Vasina kubaiwa havahore: PSC

14 Feb, 2022 - 16:02 0 Views
Vasina kubaiwa havahore: PSC

Kwayedza

Bruce Ndlovu

KOMISHENI yePublic Service Commission (PSC) inoti vashandi vose veHurumende vanokwanisa kuchidzokera kubasa pari zvino zvichitevera kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa uye kufa nechirwere cheCovid-19, asi inoyambirawo kuti vose vasati vabaiwa nhomba dzekudzivirira denda iri pasina zvikonzero zvinonzwisisika – kunyanya panyaya ine chekuita nezveutano hwavo – havatenderwe kudzoka kumabasa uye vachatorerwa matanho akakodzera nekusatambiriswa mari dzavo.

Zimbabwe iri kuratidza kubudirira panyaya yekurwisa chirwere ichi zvichitevera kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa nedenda iri.

Kubvira pakatanga chirwere ichi, Hurumende nguva nenguva iri kutora matanho ekuderedza huwandu hwevashandi vayo nedonzvo rekudzivirira kupararira kwedenda iri.

MunaChikunguru gore rapera, Hurumende yakaita chisungo chekuti mapazi ayo ose asare aine chikamu che10 percent chevashandi apo vamwe vose vaishanda vari kudzimba. Izvi zvakaitika panguva iyo Zimbabwe yairwisa kupararira kwakanyanya kweCovid-19.

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Vice-President Constantino Chiwenga, nemusi wa28 Ndira vakazivisa nezvekunyevenutswa kwematanho ekurwisa denda iri ayo akange aiswa pakanyuka chirwere ichi kechina (fourth wave).

Mugwaro rakanyorerwa kumapazi eHurumende, munyori mukuru wePSC – Ambassador Jonathan Wutawunashe – vanoti basa rave kutanga kuitwa semazuva ose mumahofisi eHurumende.

“Zvichitevera kuzivisa kwakaitwa nevaive vakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika Hon. General (Rtd) Dr C.G.D.N. Chiwenga nemusi wa28 Ndira 2022 maringe nematanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19 munyika, vakuru vemapazi ose vanofanirwa kutevedzera zvinotevera kutanga izvozvi:

“Vose vakabaiwa nhomba ngavadzokere kubasa izvozvi. Nhaurwa vanhu vakatarisana dzave kutenderwa asi pachitevedzwa zvizere matanho ekudzivirira chirwere cheCovid-19. Nguva dzekushanda dzicharamba dzakadaro hadzisi kuzosandurwa,” rinodaro gwaro iri.

Ambassador Wutawunashe vanoti vashandi vose vasina kubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi havasi kutenderwa kudzoka kumabasa uye havapihwe mari yemuhoro apo vanenge vasingabvumidzwe kusvika kumabasa avo.

“Zvichifambirana nemutemo weSection 3(a)i) ne(i) weStatutory Instrument 234 of 2021, vasina kubaiwa nhomba vanofanirwa kurambidzwa kupinda pamabasa avo uye hapana mari yemuhoro yavanobhadharwa panguva iyi. Wose asina kubaiwa nhomba uye pasina chikonzero chinonzwisisika achatorerwa matanho akakodzera.

“Avo vane zvinovaomera munyaya dzeutano vasingafanirwe kubaiwa nhomba, vanosungirwa kupa umboo hwemagwaro acho kubva kuna chiremba uyo anofanirwa kutsinhira kuti kana munhu akabaiwa nhomba utano hwake hunoenda panjodzi,” vanodaro Ambassador Wutawunashe.

Zvisinei nekudzokera kumabasa kwevashandi vose, vanodaro Ambassador Wutawunashe, matanho ekurwisa Covid-19 anofanirwa kutevedzerwa zvizere.

“Matanho ose ezveutano akadai sekupfeka mamasiki, kusaita chitsokotsoko nekushandiswa kwesanitizer zvinofanirwa kutevedzwa. PSC icharamba ichifambisa mashoko kana paita kusanduka kwemamiriro ezvinhu.

“Mapazi ose anokurudzirwa kuti arambe akangwarira zvikuru panyaya yekudzivirira kupararira kwedenda iri, iro ratichakunda kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa neveutano muZimbabwe, sekupihwa gwara kunoitwa nesangano reWorld Health Organisation.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey