Vatambi 400 vekarate vobandana

29 Sep, 2023 - 09:09 0 Views
Vatambi 400 vekarate vobandana Shihan Tawanda Mufundisi

Kwayedza

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa nemusi weMugovera apo vatambi vekarate vanodarika 400 vemumapoka akasiyana vachabandana kuChitungwiza Aquatic Complex vachirwira mibairo mikuru mumutambo weZimbabwe Karate Union Japanese Ambassador’s Cup.

Vatambi ava vachabva kumapurovhinzi akasiyana uye nhengo inomirira Japan munyika yeZimbabwe – Satoshi Tanaka – ari kutarisirwa kuve muyenzi mukuru achauya kuzoona mutambo uyu uchitambwa.

Mutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe Karate Union (ZKU) – Shihan Tawanda Mufundisi – anoti gadziriro dzemutambo uyu dzakafamba zvakanaka uye sangano reZKU riri kufara richiona kukura kuri kuita mutambo wekarate munyika.

“Tiri kufarira zvikuru kuona kukura kuri kuita mutambo wekarate muZimbabwe zvose kuvanhurume nemadzimai zvinove zvinhu zviri kutisunda kuti tirambe tichironga mitambo yakawanda.

“Takatarisa mutambo weJapanese Ambassador’s Cup, uchatambwa kubva kumazera evanhu vane makore mashanu ekuzvarwa kusvika kune vakura vanokwikwidza muboka reheavyweight,” anodaro.

Shihan Mufundisi anoti ZKU ichashandisa mutambo uyu kuumba chikwata chavo icho vanoda kuzotumira kunokwikwidza kuSouth Africa pamwe nekuJapan kumitambo yakasiyana.

“Shasha dzichatamba zvinonwisa mvura apa dzichasarudzwa kupinda muchikwata chenyika chatichaumba uye chatinoda kuzotumira kunokwikwidza kuSouth Africa nekuJapan kumitambo yakasiyana. Isu tinoziva kuti vatambi vedu muno tinodada navo havatirasise, saka tichashanda nesimba kuumba chikwata chakasimba,” anodaro.

Shihan Mufundisi anoti apo vari kuronga dzendo dzavanoda kuzofamba kuenda kuSouth Africa nekuJapan, vari kutsvaga vakotsveri vanokwanisa kuvatsigira nemari kuti vazokwanisa kutumira chikwata chavo kunyika mbiri idzi.

“SeZKU tiri kuchema kuvakotsveri vakasiyana kuti huyai tishande tese mutibatsire patiri kuronga dzendo dzedu dzatinoda kuzofamba kuenda kuSouth Africa neJapan,” anodaro Shihan Mufundisi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey