Vatambi vetsiva vosimudzirwa

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reBox Africa Limited rinoti riri kushanda nesimba mukusimudzira vatambi vetsiva vatsva vemuboka reamateur nechinangwa chekuti vazokwanisa kukwikwidza mumakwishu makuru emuAfrica neepasi rose. Svondo radarika, sangano iri rakatumira mutambi waro, Phillip ‘Cobra’ Musariri – uyo anokwikwidza muboka relight welterweight – kumutambo weZimbabwe National Boxing Board of Control Amateur Boxing Tournament wakaitirwa muHarare.

Mutambo uyu waive wekupa vatambi vetsiva vari kusimukira mukana wekukwenenzvera matarenda avo. Musariri akakwikwidza mumitambo miviri ndokukunda Partson Mutengwa uyo waakarova akaita chadzimira muchikamu chechipiri (round two) ndokuzokunda zvakare Hassan Milanzi.

Chamangwiza weBox Africa Limited, Gilbert Munetsi, anoti mitambo yemaamateur – seuyo wakarongwa neBoxing Board of Control Amateur Boxing Tournament – yakakosha chaizvo sezvo ichapa mukana kuvatambi vari kusimukira.

Sangano ravo, anodaro Munetsi, rine hurongwa hwekuvandudza tarenda raMusariri kuti agove nemukurumbira mutsiva munyika muno, muAfrica yose pamwe nepasi rose sezviri kuitwa naCharles Manyuchi.

“Cobra Musariri tiri kumurongera kuti aende kure netsiva nekuti ukatarira mitambo yake inodadisa zvikuru, matambiro aange achiita anonwisa mvura.

“Kubva mumitambo 38 yemaamateur yaakakwikwidza, akahwina 35 apo 10 yacho aihwina neknockout. Izvi zvinorakidza kuti tarenda riripo uye tikaramba tichishanda naye anosvika kure, anoita shasha yepasi rose,” anodaro Munetsi.

Anoenderera mberi nekukurudzira masangano akasiyana kuti atsigire vatambi vetsiva vari kusimukira.

“Makambani akasiyana ngaauye adire mari mumutambo uyu vatambi vari kusimukira vagove neramangwana rakanaka.

“Isu parizvino takawana mukotsveri wekuCanada – Syd Tangney – uyo watiri kushanda naye. Akatitumira zvekutambisa tsiva kuburikidza nesangano rake Fighters Supporting Youths,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey