Vatsigiri venhabvu vopembera

13 Jul, 2023 - 19:07 0 Views
Vatsigiri venhabvu vopembera Warriors

Kwayedza

Abel Ndooka

MHURI yenhabvu munyika yagamuchira nemufaro mukuru kubviswa kwakaitwa zvirango zvange zvakatemerwa Zimbabwe neFIFA, CAF neCOSAFA izvo zvaitadzisa zvikwata zvemuno kutamba nezvimwe zvekunze.

Nemusi weChipiri svondo rino, masangano aya akabvisa zvirango zvenhabvu zvange zvakatemerwa Zimbabwe kwemakore maviri adarika.

Mutambi wemaWarriors neVestri yekuIceland – Silas Songani – anoti danho iri rinosimudzira nhabu yemuno.

“Zvinhu zvinofadza, ndiri kufara nedanho iri nekuti ndakanga ndasuwa kutambira nyika yangu uye ndiri kutarisira kuitambira zvekare.

“Tanga tanzwa nekumirira saka zvinofadza. Kuzvikwata zvatinotambira izvi tinenge tichingobvunzwa nevamwe vatambi vekune dzimwe nyika kuti sei musingaende kunotambira nyika yenyu apo ivo vanenge vachienda kunotambira dzavo.

“Tamirira kusimudzira mureza wenyika yedu zvekare,” anodaro Songani.

Aimbove mutambi wemaWarriors – Cuthbert Malajila – anoti ane mufaro mukuru nekudzoka kwaita nhabvu yenyika.

“Izvi ndizvo zvinhu zvinofadza manje, tange tasuwa kuona maWarriors edu achitamba nhabvu saka tine mufaro kuti ave kudzoka kuzotamba nedzimwe nyika,” anodaro.

Malajila aive muchikwata chaKalisto Pasuwa chakaenda kumutambo weAfrica Cup of Nations mugore ra2017 uyo wakatambirwa kuGabon.

Mutsigiri wenhabvu mukuru munyika – Chris ‘Romario’ Musekiwa – anoti zvirango zvange zvakatemerwa Zimbabwe zvakadzorera nhabvu kumashure.

“Idzi ndidzo nhau dzinofadza munyaya yenhabvu yemuZimbabwe dzatange takamirira kwenguva refu. Zvinogona kunge zvakanonoka hazvo asi zvazoitika saka nekudaro tinotenda FIFA yakapindira kuti nyaya dzenhabvu dzedu dzemunyika dzigadziriswe.

“Tinoisa maoko kugurukota redu Dr Kirsty Coventry neSRC nebasa ravakabata rekuchenesa nhabvu yedu. Tave kutanga patsva, saka tinokumbira nyika yese itsigire komiti yeNormalisation Committe iyo yakafanogadzwa kuti imbotungamira nhabvu yedu pari zvino,” anodaro Romario.

Munyori mukuru weFriends of the Warriors – Zivanai Muwashu – anoti vatsigiri vange vanzwa nenyota yekuda kuona nyika yavo ichitamba.

“Isu sevatsigiri tiri kufara nekudzoka kweZimbabwe mumhuri yenhabvu, tinozvigamuchira nemufaro.

“Sevatsigiri, tange tichirwadziwa tichiona dzimwe nyika dzichitamba yedu yakangogara iri mudondo saka tine mufaro kuti tave kukwanisa kutambawo nedzimwe nyika,” anodaro Muwashu.

Zvirango zveFIFA zvichingobviswa, maWarriors akabva aiswa mudraw reFIFA World Cup 2026 uye ave kutotanga kurwira kuenda kumutambo uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey