Uncategorized

Vaviri vakafa nekuzvisungirira

13 Dec, 2020 - 10:12 0 Views
Vaviri vakafa nekuzvisungirira Insp Dhewu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA ekuMashonaland Central vanoti vari kushushikana nenyaya dzevanhu vari kuzviuraya nekuzvisungurira mudunhu iri.

Izvi zvinotevera kufa kwevarume vaviri vemudunhu iri mushure mekunge vazvisungirira.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuMashonaland Central, Assistant Inspector Fidelis Dhewu, vanoti Kudakwashe Muchabaiwa (27) wekuSuwoguru, kuMvurwi naSteven Makina (51) wekwaMambo Kasekete, kuMuzarabani vose vakafa nekuzvisungirira nguva pfupi yadarika.

Vanoti manheru emusi wa28 Mbudzi, Muchabaiwa akaenda kumba kwaLet Mwale (24) kuSuwoguru kwakare uko akanokumbira banga rekuchekesa tambo iyo aiva nayo achiti aida kuishandisa. 

“Apo akamupa banga iri, mudzimai uyu akazoona kuti Kudakwashe Muchabaiwa aiva achichema uyewo achiratidza kuti ane zvaimushungurudza. Anonzi akamubvunza zvaimunetsa akadura kuti ainetsana nemudzimai wake, Tatenda Bhareta,” vanodaro Asst Insp Dhewu.

Muchabaiwa anonzi akazotakura chidimbu chetambo yaaiva acheka ndokusiya imwe mumba maMwale.

“Nemusi wa29 Mbudzi, Clifious Kunaka (40) anobva munzvimbo iyi uye anova sekuru vaMuchabaiwa akazonzwa mashoko ekuti muzukuru wake aiva azvisungirira kumasango epurazi reStanford riri kwakare kuMvurwi,” vanodaro Asst Insp Dhewu. 

Vanhu vanonzi vakazoenda kumasango aya uko vakanowana mutumbi waMuchabaiwa wakarembera pabazi remuti.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuMvurwi ndokutanga kuferefetwa.

Mutumbi uyu wakazoendeswa kuchipatara cheMvurwi kunoongororwa apo zvakaonekwa kuti hapana chakaipa chakaitwa pamufi uyu.

Makina, uyo aibva mubhuku raGunduza, kuMuzarabani, anonziwo akazvisungirira pakati pemusi wa28 na29 Mbudzi.

“Uyu Steven Makina anonzi akaenda muimba yake yekurara husiku, ndokunozvivharira imomo mushure mekunge aswera achinwa doro. 

‘‘Anonzi ari kudoro ikoko, akataurira vanhu kusanganisira muzukuru wake, Arufero Zhuwana (46), kuti aida kuzviuraya nekuda kwekuti mwana wake akaoma mitezo ari kutadza kurapika,” vanodaro Asst Insp Dhewu. 

Murume uyu anonzi akabva kudoro zuva rodoka apo akananga kumba kwake uko akazowanikwa akazvisungirira zuva rechimangwana acho. 

“Mutumbi uyu wakawanikwa muimba yake yekurara nemusi wa29 Mbudzi. 

‘‘Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa epakamba yeMuzarabani. Mutumbi wemuchakabvu wakazokumikidzwa nemutongi wedare redzimhosva reGuruve, VaGeraldine Mutsotso,” vanodaro Asst Insp Dhewu. 

Asst Insp Dhewu vanoyambira ruzhinji kuti kana pane zvinovanetsa, vanofanirwa kuwana vamwe vanhu vavanoudza semafundisi, madzishe, masabhuku, mapurisa, nevamwe vakuru vari munzvimbo dzavagere kuti vabatsirwe. 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey