Vechidiki siyanai nezvinodhaka: Coventry

15 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Vechidiki siyanai nezvinodhaka: Coventry Dr Coventry

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA revechidiki, mitambo nekutandara – Dr Kirsty Coventry – vanoti vechidiki ndivo vakabata remangwana reZimbabwe, nokudaro vanofanirwa kutsigirwa munyaya dzedzidzo nemabasa kuti pave nekuderera kwenyaya dzekuparwa kwemhosva munyika, kusanganisira kutorwa kwezvinodhaka.

Vakataura mashoko aya pamhemberero dzezuva revechidiki reInternational Youth Day muHarare nomusi weChishanu chadarika.

“Zimbabwe iri kubatana nenyika dzepasi rose mukupemberera zuva guru revechidiki iro riri kuitwa pasi pedingindira rinoti, ‘Nyika Yakasununguka Kumazera Ese’. Dingindira iri rakakosha nekuti rinoita kuti mazwi evechidiki anzwikwe izvo zvinobatsira munyaya dzebudiriro, zvikuru pazvinangwa zvedu zveSustainable Development Goal nhamba 17 iyo inoti munhu wose haafanire kusara munyaya dzebudiriro,” vanodaro.

Mhemberero dzeInternational Youth Day dzinocherechedzwa musi wa12 Chikunguru gore roga-roga senzira yekupa chenjedzo maringe nematambudziko ari kusanganikwa nawo nevechidiki uye kuti angakundwa sei.

“Mukucherechedza zuva iri, sangano reZimbabwe Youth Council rakabatana nebazi revechidiki, mitambo nekutandara, vari kuronga kuita mutambo mukuru weYouth Organisation Expo, Governance and Youth Gala kuBulawayo musi wa19 mwedzi uno dzinova mhemberero dzakakosha zvikuru.

“Chirongwa cheYouth Expo and Conference chichasanganisira nhaurirano, kuratidzira zvigadzirwa, kudzidzisa vechidiki nezvemabasa akakosha muupenyu, mitambo uye nyaya dzeutano nekurwisa kutorwa kwezvinodhaka. Vanhu vanodarika zana vachange vachiratidzira uye tiri kutarisira kuti vanhu 300 vachava mumutambo uyu,” vanodaro.

“Kutora zvinodhaka hakuna betsero muupenyu hwemunhu nekuti kunokonzera kurasika kwenjere, kurwara, kuparwa kwemhosva uye nyika haibudirire kana vanhu vachitora zvinodhaka nekuti hakuna mabasa anobudirira anoitwa nevanhu vanenge vasiri kushandisa njere dzavo nemazvo.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey