‘Vechidiki vanoda dzidziso yekwakabva rusununguko’

29 Mar, 2023 - 10:03 0 Views
‘Vechidiki vanoda dzidziso yekwakabva rusununguko’ VaMusendeki vari mumunda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

APO nyika ichange ichipemberera makore 43 ekuzvitonga kuzere nemusi wa18 Kubvumbi, ruzhinji rwunokurudzirwa kukoshesa zuva iri vachicherechedza zvibereko zvavapo kubva mugore ra1980 kusvika pari zvino.

VaRabson Peter Musendeki (75) vemubhuku raMusendeki, kwaMakuvise, kuBuhera, vanoti hapana chakakosha pasi rino kudarika kuzvitonga kuzere.

KuBuhera kune nzvimbo dzakawanda dzinosanganisira Chiurwi idzo dzakatsviriridza hondo munguva yekurwira rusununguko rweZimbabwe kubva kuhutongi hwevachena.

“Rusununguko rwakauya nenzira dzinorwadza kukafiwa nekuremarwa uye misha ikapiswa. Tine vane mitezo yakaremara nekuda kwehondo.

“Semuenzaniso, pano pagomo reChiurwi ndipo pakaungana vaiva varwi vehondo pakapera hondo yerusununguko mugore ra1980. Ndipo painzi paDzapasi Assembly Point, pane nhoroondo yeChimurenga izere. Saka ngatikoshesei vakatifira ava tovapa chiremerera chavo nevapenyu vacho,” vanodaro VaMusendeki.

Vanoti kupemberera zuva rekuwana rusunguko rweZimbabwe kwakakosha.

VaMusendeki

“Nguva yangu zhinji, kubva makore ekuma1966, ndaibatsira nenzira dzakasiyana muhondo yeChimurenga. Ngatisakanganwei nguva iyi yaita kuti tiwane rusununguko ruzere. Tinotenda Hurumende nekuwanisa veruzhinji minda iyo tinokurudzira kurimwa kwayo kuzere,” vanodaro.

VaMusendeki vanoenderera mberi vachiti: “Tine vechidiki vasina kumboona hondo vanofanirwa kupihwa nhoroondo izere yehondo yakasunungura nyika. Pamusoro pezvo, vechidiki ava vanofanirwa kupihwa minda kuti vakwanise kurima nekuitawo mamwe mabasa ebudiriro.

“Mumisha matinogara, kungava kumapurazi kana kumaguta, ngavawaniswe mabasa ekuita.”

Murume uyu anoti nhoroondo yerusununguko rwenyika haifanirwe kuparara uye zvakakosha kuirovedzera kune vechidiki kuitira kuti ive nhaka yemusiiranwa.

“Tiri kutaura nenyaya yekuti kuno kuChiurwi, kuDzapasi, kwaiva nebhesi (base) revarwi vehondo, kuSanga kwakafawo varwi vakawanda muhondo yakaitika kuno nevapanduki vaiva mauto eRhodesia. Ndisu tinozviziva vakuru, vechidiki havazvizive, saka vanoda kutaurirwa zvose izvi kuti mhuri zhinji dzakasara vari nherera,” vanodaro VaMusendeki.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey