Uncategorized

Vechidiki vovhiringwa nekutora zvinodhaka

08 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
Vechidiki vovhiringwa  nekutora zvinodhaka

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO rinoshanda nevechidiki reFor Youths By Youths rinoti riri kushushikana zvikuru nenyaya dzekutorwa kwezvinodhaka – dambudziko rakawedzera panguva yelockdown iyo yakakonzerwa nekuuya kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura neKwayedza, mutungamiriri wesangano iri, VaWilbert Jena, vanoti zvinodhaka zviri kukanganisa vechidiki munzvimbo dzakawanda dzenyika nekudaro vari kuedza nepavanogona kupa chenjedzo pamusoro pehuipi hwekutora zvakaita semutoriro, guka, musombodhiya kana crystal merth, pakati pezvimwe, izvo zviri kuparadza vechidiki vakawanda.

Vamwe vechidiki vanonzi vari kusvika pakuita marombe uye mabasa ehumbavha nechinangwa chekuti vawane mari yekutenga zvinodhaka zvisinei nekuti zviri kuvakanganisa mararamiro avo.

“Remangwana revamwe vechidiki riri kuenda mudondo nekuda kwekutora kwavari kuita zvinodhaka zvakaita semutoriro, guka, crystal merth nezvimwe. Zvinodhaka izvi hazvina kumbonaka, ingozi chaiyo saka tiri kuzama sevechidiki kudzidzisana nevamwe vedu kuti ngatirarame upenyu hwakachena tisingatore zvinodhaka.

“Tiri kukurudzira vechidiki nevakuru kuti ngatifambe pamwe chete uye titaure nezwi rimwe chete kuti ngatisatore zvinodhaka,” vanodaro VaJena.

Vanoti kutorwa kwezvinodhaka uku kwakanyanya kuwedzera panguva yeCovid-19 lockdown apo vechidiki vainge vakagara kudzimba uye vasina zvekuita zvikakonzera kuti vamwe vavo vapedzisire vofurirana kuenda kunzvimbo dzinotengeserwa zvinodhaka izvi uko kunozivikanwa nekunzi kuma”base”.

VaJena vanoti vari kushanda nemapurisa echikamu chematikitivha, cheCriminal Investigations Department (CID), icho chinoona nezvekurwiswa kwekutorwa kwezvinodhaka mukuedza kupedza dambudziko revanozvitengesa.

“Tiri kushanda nemapurisa avo tinonyeurira kwatinenge tanzwa kuti kuri kutengeswa zvinodhaka izvi kuti vaende kunosunga vanozvitengesa. Hatitodi kunzwa chinhu chinonzi chinodhaka chisingatenderwi chiri kutengeserwa vechidiki vedu nekuti zviri kuvaparadza nekukanganisa remangwana ravo.

“Vechidiki ndivo vatungamiri vemangwana nekudaro tinofanirwa kuvachengetedza uye kubvisa zvinodhaka munharaunda dzedu kuti tisakanganiswe,” vanodaro VaJena.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey