Uncategorized

Vemisika vatanga. . .voita sekusina Covid-19

15 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Vemisika vatanga. . .voita sekusina Covid-19

Kwayedza

Leroy Dzenga
VEMISIKA inotengesa zvinhu zvinosanganisira mbatya, miriwo nezvimwe vanonzi havazi kutevedzera zvinodiwa pakumisa kupararira kweCovid-19 zvekuti vave kuita mabasa avo sezvavaisiita kare chirwere ichi chisati chaveko.

Vasati vabvumidzwa kuita mabasa avo zvakare apo pakatanga chirongwa chekuti vanhu vasangofambe-fambe (lockdown), vanotengesa ava vakavimbisa kuti vaizodzikisa huwandu hwevanhu panzvimbo dzavanoshandira.

Kuburikidza nemasangano anovamirira, vakavimbisa zvakare kuti vachatora matanho ekumisa kupararira kweCovid-19 anosanganisira kuzora sanitizer mumaoko kuvanhu vose vanosvika pamisika yavo pamwe chete naivo.

Asi zvavakavimbisa izvi handizvo zvavari kuita pari zvino.

Ongororo yakaitwa nevatori venhau muguta reHarare inoratidza kuti vatengesi ava vari kungoita basa ravo semazuva ose pasina chasanduka.

KuMupedzanhamo, vamwe vanotengesa ava vainge vasina kupfeka mamasiki asi vakangoarembedza pazvirebvu uye vanhu vakaita chitsokotsoko.

Izvi ndizvo zvimwe chete zvaive kuMbare Musika kunotengeswa miriwo nezvimwe zvakasiyana pamwe nekuTagarika Shopping Centre iri kuGlen View 3.

Vamwe vevatengesi ava vanoti pane mukaha mukuru maringe nekuti vanhu vatevedzere matanho anodiwa sezvo izvi zvichifanirwa kukohomedzwa nevabati vezvemutemo.

Vasati vatanga kushanda zvakare mushure mekumbomiswa nguva darika, sangano rinomirira vatengesi ava reVendors Initiative for Social and Economic Transformation (VISET), rakati rinokwanisa kuona kuti nhengo dzaro dziri kutevedzera matanho anodiwa mukurwisa kupararira kweCovid-19 asi iye zvino rave kupa mhosva kumakanzuru nekuda kwemamiriro ezvinhu aya.

VaSamuel Wadzayi, avo vanove VISET director, vanoti: “Makanzuru haana kutora matanho akakodzera ekuona mashandiro evanotengesa pamisika. Panofanirwa kuve nenzira dzinowiriranwa dzekuita nadzo basa kana tichitarisa kuti mamiriro ezvinhu asiyana nakare.”

VaWadzayi vanoti vanotengesa havana zvekushandisa zvakakwana zvekurwisa kutapurirana chirwere ichi.

“Dambudziko rechipiri nderekuti vatengesi ava havana nhumbi dzekuzvichengetedza,” vanodaro.

“Tiri kukurudzira makanzuru kuti aone kuti vatengesi ava vane midziyo yakakwana yekushandisa kuitira kuti vasapedzisire vave kuzviisa panjodzi ivo nemakasitoma avo yekutapurirana chirwere ichi.”

Vanoti makanzuru pamwe chete neHurumende vanofanirwa kusimbisisa zvirongwa zvekupa chenjedzo pamusoro peCovid-19 kune vanoita mabasa ekutengesa zvinhu zvakasiyana.

Kanzuru yeHarare inoti icharamba ichikurudzira vanotengesa kuti vatevedzere zvinodiwa mukuchengetedza utano.

Mutauriri wekanzuru iyi, VaMichael Chideme vanoti, “Tiri kukurudzira kuti vanhu vasaita chitsokotsoko nekuvepo kwemasanitizer nemvura yekugeza maoko.

“Tiri kuona zvakare kuti vatengesi vane mamasiki uye kuti vari kutevedzera nguva dzekuvhura nekuvhara misika dzakatarwa neHurumende.”

Vanotizve nyika yakatarisana nedambudziko guru reCovid-19 nekudaro ibasa revabati vezvemutemo kuona kuti matanho anodiwa pakumisa kupararira kwechirwere ichi atevedzerwa.

“Avo vanoramba kutevedzera mitemo yakatarwa vanodzingwa panzvimbo dzavanotengesera uye vanozotenderwa chete kuita mabasa avo kana vave kuda kutevedza mitemo iyi,” vanodaro VaChideme.

Zimbabwe pari zvino yave nevanhu 4 893 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey