Vokandirana nyoka mhenyu . . . . ‘Unondirova pasina chikonzero’ . ‘Ndiwe wakandizadza njovhera’

14 Feb, 2023 - 11:02 0 Views
Vokandirana nyoka mhenyu . . .    . ‘Unondirova pasina chikonzero’  . ‘Ndiwe wakandizadza njovhera’

Kwayedza

Melody Vherenaisi

KUENDESA murume wake anomushungurudza kudare achida gwaro redziviriro kwakaparira mudzimai wekwaMutare uyo akabva arambwa paitongwa nyaya iyi achipomerwa kuti akamutapurira chirwere chenjovhera.

Vaviri ava vakamira pamberi pemutongi wedare reMutare Civil Magistrates Court, VaXavier Chipato, nguva pfupi yadarika mudzimai achichema-chema kuti haana rugare nekushungurudzwa nemurume wake.

Confidence Kusina anoti murume wake, Godknows Kadimbwa, ane tsika yekumurova pasina chikonzero.

Anoti murume wake akamurova katatu munaMbudzi achimupomera mhosva yekumubira uye kuita makuhwa.

Pamusoro pezvo, Kusina anoti murume wake haamutenderi kuita basa rake saamai mumhuri.

“Ane tsika yekundirova uye kundinyepera zvinhu zvandinenge ndisina kuita. Haandibvumidze kuita basa rangu saamai mumhuri,” anodaro Kusina.

Kadimbwa haana kupokana nezvaitaurwa naKusina achiti anorova mudzimai wake nekuti haamuremekedza.

Anoti kumurova ndiyo chete nzira yekuti anzwisise sezvo asingamuterere.

Kusina anotiwo vave nemwedzi mitanhatu varoorana asi murume wake ari kugara achingomurova.

Kadimbwa anoti paakaenda kubasa kuChimanimani, akasiya audza mudzimai wake kuti auraye huku imwe chete asi paakadzoka mushure memazuva matatu, akawana auraya huku nhatu.

“Ndakamuti auraye huku imwe chete, asi iye akauraya dzimwe huku mbiri. Ndisati ndaenda kuChimanimani ndakamuti aende kuchechi asi haana kana kumbotsika kukereke.

“Pandakadzoka kubva kuChimanimani, mudzimai wangu akashandisa rimwe gonhi kubuda pamba paakaona kuti ndadzoka. Pandakapinda mumba, ndakaona makondomu pasi pepiro. Izvi zvakaitika mushure mekunge andinyima kodzero dzangu dzekusangana naye ndisati ndaenda kuChimanimani.

“Ndisati ndaenda, takamboenda kukiriniki apo takabatwa nechirwere chenjovhera. Ndinoona sekuti mudzimai wangu ndiye akakonzeresa njovhera iyi sezvo ini ndisina mumwe wandaifambidzana naye,” anodaro Kadimbwa.

Kusina akaramba mashoko aya ndokuti murume wake anoputa mbanje uye anoraradza nedoro.

“Anogara akadhakwa nguva zhinji. Anenge achingovhiringika nguva zhinji. Paakadzoka kumba kubva kuChimanimani, handina kumbobuda mumba kana kutiza. Akandirova asi hapana makondomu aakawana mumba sezvaari kutaura,” anodaro Kusina.

Kadimbwa anoti aneta nekugara naKusina sezvo akaoma musoro nekudaro haachamuda ndokubva amurambira mudare iri.

VaChipato vakapa Kusina gwaro redziviriro iro rinoshanda kwemakore mashanu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey