Vopisirana dzimba vachirwira nhaka

14 Dec, 2022 - 16:12 0 Views
Vopisirana dzimba vachirwira nhaka Imba yakatsva

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vepapurazi reMupamhanga riri kuChemagora, kuGokwe, vari kugara vakabatira hana dzavo mumawoko nekutya zvichitevera kupiswa kwakaitwa musha wemumwe mwanasikana weko nenzira isinganzwisisike, midziyo yose ndokuparara.

Pane fungidziro huru yekuti izvi zviri kukonzerwa nekurwira nhaka yakasiyiwa nevabereki vemhuri iyi.

VaKiddney Mupamhanga (54), avo vanova mukomana mukuru wemhuri inova varidzi vepapurazi reNumber 21 Chemagora, vanoti vava kugara vachitya nekuda kwechiitiko ichi.

“Baba naamai vakashaika tikasiiwa tiri vana gumi tichisanganisira kumudzimai mudiki wababa nemukuru. Tose tinogara pano papurazi sezvo ini ndava pamudyandigere kubva kwandaishanda ndiri prison guard. Saka tose tinogara papurazi rababa vedu ravakawana makore ekuma1970,” vanodaro VaMupamhanga.

Vanoti hukama hwavo sevana hauna kumira zvakanaka nekuda kwekurwira pfuma yenhaka yezvinhu zvakasiiwa nevabereki vavo, kusanganisira purazi iri.

“Purazi redu rakakura mahekita 1 400 asi tinorima zvedu nzvimbo diki uye vamwewo havarime. Tine dambudziko ratakatarisana naro remusha wehanzvadzi uyo wakapiswa akasara asina chinhu, kusanganisira nezvimwe zvekuchitoro kwake zvaaiva akachengeta mumba semafiriji.

“Hatizive kuti munhu akapisa musha uyu ndiyani, kunyangwe paine runyerekupe rwunongobva muvanhu rwunonanga vamwe vehukama hwedu,” vanodaro VaMupamhanga.

VaKiddney Mupamhanga

Vanoenderera mberi vachiti: “Kudyidzana kwedu sevana vanyamunhu hakuna kumira zvakanaka sezvo tichigara tichirwisana. Ini semukuru, ndikaedza kuunganidza vamwe kuti titaure asi hapana anonditerera, vanotoda kundirwisawo.

“Hapana zvihombe zviri papurazi pedu, mombe dzaidarika 1 000 asi hapasisina sezvo takagovana semhuri papurazi pakasara pasina chinhu.

“Mumwe wevanin’ina vangu aiva akavaka musha wake mukati mesango mupurazi muno akazotama abirwa mombe dzose. Tinoshaya kuti zvinhu zvacho zvinombofamba sei, ndava kutyira kuti vanhu vose vachatiza papurazi rikasara rikaparara nekutyira upenyu hwavo.”

Paimbove neimwe imba yakaparadzwa nemoto

Hanzvadzi yavo yakatsvirwa nemusha yakaramba kutaura zvakawanda nevatori venhau.

“Handikwanise kutaura nemi nekuda kwenyaya iyi, taurai naivo mukoma. Ndakasara ndisina chinhu, zvimwe zvekuchitoro kwangu uye akapisa hatimuzive zvisinei nekuti takaisa nyaya iyi kumapurisa,” vanodaro Muzvare Mupamhanga.

VaMupamhanga vanoti vane hurongwa hwekuti vagovane purazi iri pavana vose varipo munhu ozviitira mabhindauko ake.

“Pamhuri yedu yose, munhu mumwe chete anokwanisa kuwana munda wakakura mahekita anodarika 100 tichisanganisira nevanasikana. Vamwe vachiri kumabasa, vamwe tava kugara pano pamusha saka munhu anofanirwa kuzvionera,” vanodaro.

Dzimba dzemhuri yekwaMupamhanga

Vamwe vevanakomana vepapurazi apa vakasvika Kwayedza ichiita hurukuro naVaMupamhanga vakarambawo kutaura nevatori venhau.

“Ndava kushaya kuti zvino toita sei semhuri nekuti tinogara tichirwisana, ini ndini mukuru. Hatina dare remusha rinopera zvakanaka, tinoguma tava kurwa.

“Izvozvi dzimba dzehanzvadzi dzakatsva, tine kufungirana pahukama hwedu. Nyaya iyi takaisvitsa kumapurisa, kunyangwe dzimwe nyaya dzekurwisana kwedu dziriko zvakare ZRP Gokwe Centre,” vanodaro VaMupamhanga.

Panguva inoita awa imwe chete pakagara vatori venhau papurazi apa, kune vanhu vakasiyana vehukama, kusanganisira vazukuru vepo, vaingouya vachienda pasina kukwazisana nevamwe.

“Zvamuri kuona izvi ndiwo magariro edu, kune vanomhoresana koitawo vamwe vasingaonane, vanongopesana pasina anotaura nemumwe.

“Vabereki pavaiva vapenyu taigara zvakanaka uyewo ndaiva kubasa pano paingova nevanin’ina vangu,” vanodaro VaMupamhanga.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya dzepapurazi apa.

Inspector Emmanuel Mahoko

“Kana nyaya iyi yakasvitswa kumapurisa, regai ndigotsvaga chaizvo zviri kuitika. Mhuri iyi inoda kubatsirwa nenguva vasati vakuvadzana kana kupondana,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey