Kwayedza
Kingstone Mapupu
BASA rekuruka zvinhu zvakasiyana kubva mutsanga nemirara, iro rakatanga kumakore ekuma1970, panzvimbo yeEastlea People’s Market pedyo nemuzinda Vehicle Inspection Depot (VID) muguta reHarare riri kufambira mberi apo mhuri dzine chitsama dziri kuwana raramo kubva mumabhindauko aya.
VaWilliam Maphosa (58) vanova sachigaro wemusika uyu vanoti vane nyanzvi dzekugadzira zvinhu zvinosanganisira masofa, macheya, mapushing trays, zvekudyira imbwa, tsero, rupasa, mavhasi emaruva nemabhasikiti.
“Musika wedu wakavambwa makore ekuma1970s uye panotova nedzimwe nyanzvi dzaishandira pano dzakatoshaika, asi basa iri hatina kumbomira kusvika izvozvi.
“Vechidiki vakawanda vanouya tichivadzidzisa basa iri vachitozokwanisa kuraramisa mhuri dzavo,” vanodaro VaMaphosa.
Midziyo mizhinji inogadzirwa panzvimbo iyi netsanga nemirara izoiswawo nemapuranga nekupendwa kuti isimbe pamwe nekuyevedza.
“Zvinhu zvatinoshandisa pak...