Vorarama nekusona shangu

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUSHANDIRAPAMWE wevarume vekuZengeza, kuChitungwiza, wekusona shangu nezvimwe zvakasiyana kubva mamatehwe uri kusimukira zvikuru izvo zvinova zvinoenderana nechirongwa cheHurumende chekusimudzira upfumi neraramo yeruzhinji, cheZim-Asset. Panzvimbo yekungoswerotevedza mabhawa sezvinotwa nenyope, varume ava vanoita basa ravo vari panhamba 11513 mumugwagwa waHarare, kuZengeza 4, uye vanoti vakaona kutsvaga basa kumakambani kuchinetsa ndokutanga bhindauko rekusona shangu nezvimwe zvinosanganisa mabhegi, nguwani, mabhandi vachitengesa. Pamusoro pazvo, vanogadzirawo masofa nezvimwe zvigaro nematehwe nemachira.

Mumwe wevarume ava, VaRemington Gozho (32), vanoti zvinhu zvavanogadzira zvinokwikwidzana nezvinogadzirwa nemamwe makambani makuru. “Takadzidzira kugadzira bhutsu itsva asi pakutanga kumakore a2000 taisona bhutsu dzaiva dzabvaruka nezvimwe mushure mekushaya mabasa chaiwo ataiva tadzidzira. Takazoramba tichikura ndokuvamba kuhodha matehwe tichigadzira shangu, mabhandi nemabhegi zvemhando yepamusoro,” vanodaro VaGozho.

Vanoti vanogadzira mhando dzeshangu dzose, dzevanhukadzi nevarume. Vamwe varimo mubasa iri vanosanganisira VaSolomon Sithole (63), VaKenneth Purumero (41), VaAlexio Gumbo (34), VaKudakwashe Maponga (37), naVaPatrick Pandiwa Machingura (61).

VaSithole vanoti vasvitsa makore gumi nemashanu vachiita basa iri rinova riri kuraramisa mhuri dzavo.
“Nekushaikwa kwemabasa munyika, isu haticheme zvakanyanya nekuti munhu wose anoda kupfeka bhutsu. Mamwe ematehwe edu tinotenga kuSouth Africa uko anotidhurira zvikuru,” vakadaro.

Zvimwewo zvavanoshandisa vanoti vanozviwana kuMagaba, muguta reHarare. Chikwata chevarume ichi chinosimudzirawo vechidiki kubudikidza nekuvadzidzisa basa iri pasina muripo.

“Tinobatsira pachena vari kubva kuzvikoro kuti vagone kusona zvinhu zvakaita sebhutsu dzemhando yose, kunyangwewo vechikuru vanoda tinovabatsira zvakare asi vanotenga matehwe avo voga kuti vakwanise kudzidzira basa iri,” vanodaro VaSithole.
Kune vane chido chekudzidzira kusona shangu nezvimwe pachena, vanokurudzirwa kuridza nhare panhamba dzinoti 0772 358 536.

Zvakadai, varume ava vanoti vari mubishi kuronga kuti vatange kambani yavo yekusona shangu nezvimwe.
“Tiri kutsvaga mari yekutenga michina yechizvino-zvino yekuita basa iri sezvo tichingova nemuchina wekusona mumwe chete. Tinokumbira kuti kana paine vangagone kutibatsira nemari kana nemichina iyi vatiyamurewo,” vanodaro VaSithole.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey