Vorwira nzira yekutsime

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Vorwira nzira yekutsime

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
VAMWE vavakidzani vaviri vakakatyamadza vanhu vaive mudare apo vainetsena pamusoro penzira yekunochera mvura pamwe chete negadheni. Ashel Ngwende akamhan’arira Wilson Chikanga kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza. “Changamire, ini ndinogara mamita 400 kubva pamba paChikanga, zvino ndanzwa nekutukwa naye. Anondirambidza kushandisa nzira iri seri kwemba kana ndichida kuchera mvura.

“Murume uyu anoita zvinogara zvakadaro, akasima miti nemaruva achida kundivharira kuti ndisapfuura asi ipo pari pagadheni pangu,” akadaro Ngwende.

Akati rimwe zuva Chikanga aida kumutema nebhemba nekuda kwenyaya iyi. “Ndakapotsa ndafa, aida kunditema nebhemba nenyaya yegadheni irori. Ndinokumbirisa mundinzwewo chichemo changu murume uyu andisiye ndipfuure kunochera mvura murunyararo,” akadaro Ngwende.
Chikanga akapokana nezvakataurwa naNgwende achiti gadheni iri nderake uye riri paruzhowa rwake paanopfuura napo.

Anoti haana kurambidza Ngwende kupfuura nepagadheni apa asi kuti akangomutsiura kuti asaite pamuromo zvinova izvo zvaakadzingirwa kumwe kwaaimbochera mvura.

“Iwe haunyari kunyepa, ndakakurambidza kunochera mvura here ini? Ingoti wava kunyara nezvawakaita. Akabvira gore rapera achindinetsa mushure mokunge ndamutorera gadheni irori raari kuzvitutumadza kuti nderake nenyaya yekutaurisa.

“Zvamunomuona kudai murume uyu ane pamuromo pasingamharwi nenhunzi. Anoswera achipopotedzana nemukadzi wangu ndisipo. Mushure mezvo anotumira twuvana twake kuti twuzorova vana vangu,” akadaro Chikanga.

Akati Ngwende ainyepa kuti anoda kumuuraya.
“Ari kuda gwaro iri kuti ndisamurambidza kushandisa chivanze changu senzira yake nokuti haachina kwokufambira muraini kana achida mvura,” akadaro.

Mutongi Ruth Kamangira akarasa chikumbiro chaNgwende achiti pakange pasina umboo hunogutsa dare hwekuti ari kushungurudzwa naChikanga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey