Uncategorized

Voshaiswa hope nemazikatsi

31 Aug, 2021 - 16:08 0 Views
Voshaiswa hope nemazikatsi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAMWE vagari vemumusha weGlen View 8, muguta reHarare, vanoti vave kugara vakabatira hana dzavo mumaoko nekuda kwekatsi dzakawanda dzinofamba pamwe chete husiku dzichichema sevanhu pamwe nekukwira pamusoro pedzimba nekumara magonhi.

Vanhu vakatarisana nedambudziko iri ndeve mudzimba dzinowanikwa muna9th Circle na27th Road padyo nenzvimbo yeGlen View Complex, avo vanoti vari kushaiswa hope  nemazikatsi aya.

Mai Florence Mboko (65) vepa8105 muna 9th Circle vanoti pamba pavo hapachagarika nekuda kwekatsi dzinofamba dzakawanda idzi.

“Taita dambudziko rinoshamisa pachimana chedu chino, kune katsi dzinotanga kufamba kubva kuma6 zuva rodoka dzakawanda kupotsa dzasvika gumi. Hadzitye vanhu, dzinotodzingirira vanhu uye ukasangana nadzo unotodzitsauka ndiwe, ndokunge usina kutiza.

Mai Chinoda

“Dzinomira nemakumbo ekumashure dzakasimudza emberi kuita sedzinonamata. Dzinoita ruzha dzikange dzasangana nemunhu dzichichema sevanhu vari parufu,” vanodaro Mai Mboko.

Vanoti dzimwe nguva dzinotanga kurwa dziri pamusoro pedzimba dzichiita ruzha kunge vanhu kana semhuka hombe pozoita sekunge panokandwa matombo makuru pasi.

“Dzimwe nguva katsi idzi dzinomhanyisana dzichitenderera dzimba dzichiseka kunge vanhu. Tine dzimba dzinodarika gumi dzatarisana nedambudziko iri. Hatirare nekuda kweruzha rwadzo.

“Katsi idzi dzinosanganisira chena, nhema netsvuku. Tikaisa mushonga hadzidye uyewo hadzibate makonzo zvinoita kuti tifunge kuti ndedze varoyi,” vanodaro Mai Mboko.

Vanowedzera vachiti katsi idzi dzinoitira tsvina pachivanze nepamusoro pedzimba.

Kana kwaedza, vanoti havadzione kusvikira kwadoka uyewo kwadzinobva hakuna anokuziva.
“Nyaya inonetsa kana kwaedza tinoedza kutsvaga katsi idzi asi tinodzishaya. Ndine vavakidzani vangu vanoti Mai Dube, Mai Mundewe, Mai Chiwetu nevamwe vakawanda tinotombowirirana kufamba masikati tichitsvaga kuti dzinobva kupi asi hatimbodziona.”

Mai Alfreta Chipawapinda Gono (38) vanoti vave kutyira vana sezvo katsi idzi dzichidzingirira vechidiki avo vanototizira mudzimba munguva dzehusiku.

“Hatizive kuti katsi idzi dzakamira sei uye tava kufunga kuti ndedze varoyi. Dai veNational Parks vauya kuzodzibata pamwe ikatsi dzakapanduka dzikaita mabonga. Mawandiro adzo anotyisa.
“Chinonetsa huku hadzidye kana kubata makonzo nekuti muno makonzo akawandisa. Tikaisa mushonga panyama hadzidye, makonzo ndiwo anotozofa adya,” vanodaro Mai Gono.

Mai Gono

Dambudziko rekatsi iri vanoti radarika makore matatu vachishaya kuti vobatsirikana sei.
Mai Constance Mandewe Chinoda (65) vepanhamba 8114 mumugwagwa wa27th Road vanoti katsi idzi dzikatanga kuita ruzha havakotsire kusvikira kunze kwaedza.

“Hatina rugare nekuda kwekatsi idzi saka tava kufunga kuti varoyi vanouya nekatsi nekuti vana vanobva vatadza kurara kana dzichichema kudaro vachivhumuka uyewo padzimba dzino panobva pafiwa mumazuva mashoma. Dzakasimba kuita sedzinofidhwa nevanhu,” vanodaro Mai Chinoda.

Vagari vemunzvimbo iyi vanoti vari kuda kubatsirwa kuti katsi idzi dzibviswe.
Mutauriri webazi reNational Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks), VaTinashe Farawo, vanoyambira veruzhinji kuti vasavhundutsire katsi idzi vachiti dzimwe ndedzemusango dzinokwanisa kuvakuvadza.

VaTinashe Farawo

“Mhuka yemumusha nemhuka yemusango zvimwe chete. Katsi dzinowanikwa mumupanda wembada neshumba kureva kuti mukana wekuti vanhu vakuvadzwe nadzo wakakura. Iyambiro yedu kuti varege kudzivhundutsira,” vanodaro VaFarawo.
Nyanzvi yezvechivanhu, Mbuya Alice Kwenda (60) vemuHarare, vanoti katsi idzi dzinogona kunge dzichishandiswa mumabasa akaipa.

“Vanhu ava vanoda kubatsirwa nenguva nekuti imhando dzekatsi dzinoshandiswa nevaroyi sezvidhoma,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey