Voshandisa migomo sezvimbuzi . . .Dzimba dzazara suweji

11 Feb, 2021 - 09:02 0 Views
Voshandisa migomo sezvimbuzi . . .Dzimba dzazara suweji Suweji

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

APO veruzhinji vari kuedza kuzvidzivirira kuchirwere cheCovid-19 nekugara mudzimba, mamiriro ezvinhu mumisha yeGlen View neBudiriro, muHarare aipisisa sezvo vagari veko vari kuswera nekurara “vachishambira” mumasuweji zvekuti vamwe vave kutopata dzimba vachitiza tsvina.

Vagari vemisha miviri iyi vanoti vava nemwedzi miviri vachigara mutsvina uye chichemo chavo kukanzuru hachisi kudavirwa.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanotsinhira nezvedambudziko revagari ava vachiti pari zvino rinonetsa kugadzirisa sezvo vashandi vekanzuru vari kuramwa mabasa vachida kuti mari dzavanotambira dzitariswe nezvadzo.

Mai Idea Neurashe vachitaridza suweji iri kuyerera pamba pavo

Nekuda kwedambudziko iri, sangano reCommunity Water Alliance (CWA) rakanoparura chirongwa chinodaidzwa kuti #TsimbaDzeutano kunzvimbo idzi, icho chine donzvo rekupedza huchapa huri kukonzerwa nekushaikwa kwemvura uye kutushuka kwepombi dzinofambisa tsvina yesuweji mumisha iyi.

Vachitaura kuKwayedza, vagari vemumisha iyi vanoti kwava nenguva yakareba suweji yakazara mudzimba dzavo uye pasina anogadzirisa dambudziko ravo izvo zvava kuita kuti vamwe vavo — kunyanya pwere — vabatwe nezvirwere zvemanyoka.

“Seni, imba yangu iri kumuchetu uye kwakatenuka zvekuti suweji iri kuyerera ichibva kudzimba dziri kumusoro ichizvikopinda mangu. Zvimbuzi takatovhara nekuti zvakazara zvekufashukira. 

“Kanzuru takaizivisa nezvedambudziko iri asi inongoti zvichatora nguva kuti vazogadzirisa sezvo vasina vashandi vakakwana. Tiri kutoitira tsvina mumigomo nemuzvipepa tichinorasira muminda iri pedyo nekuti hapana mararamiro atingaita,” vanodaro Mai Idea Neurashe.

Mbuya Cathrine Dambuza vachiratidza mvura ine tsvina inobuda mupombi yepamba pavo

Muvakidzani wano, Mbuya Cathrine Dambuza vepanhamba 2093/6th Street vanovhura chimbuzi chavo kuti vatori venhau vazvionere icho chakazara netsvina nehonye vachiti hamuchapindika.

“Takamboenda pakiriniki kunokumbira rubatsiro rwemagirovhosi uye sister-in-charge wepo vakavimbisa kutibatsira asi hapana zvati zvafamba. Tinotogara takavhara mahwindo asi hazvibatsiri nekuti suweji yacho yave kuyerera ichipinda mumba. Mamwe maroja akatotama vachitiza tsina iyi, zvino isu varidzi vemba hatina kwekuenda,” vanodaro.

Mbuya Dambuza vanoti pakutanga vaisimboenda kunokumbira vamwe vane dzimba dzichakanaka pekugezera, asi nenyaya yechirwere cheCovid-19, hazvichagoneka sezvo vanhu vasisabvume kushanyirwa kudzimba dzavo.

“Kana iwo mamasiki hatichapfeka nekuti unoti kana ukaipfeka, unotozarirwa nehwema hwesuweji. Kutaura kudai ndiri kutorwara nemanyoka nekuti chero mvura yepapombi iri kungobuda iri ‘green’ nesuweji. Tiri kutopona nemvura yekutenga kune vane zvibhorani asi hatizive kuti yakanaka kushandisa mumba here sezvo ichibva pasi panova pane mapombi acho esuweji akaputika,” vanodaro.

Muzvare Sandra Kadzimwe uyo ane imba iri pedyo nemugero unosvikira suweji yemunharaunda anoti ari panguva yakaona nemhuri yake.

Chimbuzi chakazara ndokuvharwa nemasaga ane jecha

“Suweji iri kupinda mumba mangu zvekuti takatovakirira mijero mumativi memba kuti mukwirire uye tinokupa suweji nehonye zuva nezuva. Tiri kutoita zvekuisa majecha mumasaga, toakanda panoyerera nesuweji kuti isapinda mumba yakawandisa.

“Ini ndine dambudziko rekuti ndikangofema hwema wesuweji bedzi, ndinobva ndaita manyoka. Saka izvozvi ndiri kuchaya zvekuti masvika ndichangobva kunokumbira chimbuzi sezvo changu ndakatochivhara mushure mekunge chazara. 

“Zvichemo tinokwidza kukanzuru nekuna kanzura wemuno, asi vanongoti vachauya. Kubva mumwedzi waMbudzi gore rapera tichirarama musuweji here?” anodaro.

Paimwe imba, vagari vepo vaitotadza nekubuda mumba nekuda kwetsvina izere chivanze zvisinei nekuti pamba apa panotengeswa muriwo wemakabichi ayo ainge “achishambira” mutsvina.

“Ini ndakaenda paGlen View 1 Clinic ndichitarisira kubatsirwa panyaya dzemasuweji idzi asi vakanditi vanotozouya kana vanhu vatanga kurwara. Tiri kuda rubatsiro rwechimbi-chimbi nekuti raramo yedu haisisina kumira zvakanaka. 

“Muri kuona pwere dziri kutambira mutsvina nekuti hakuna kwekuenda sezvo zvikoro zvisati zvavhurwa nekuda kweCovid-19. Muno mucharwariwa neCovid zvose necholera,” anodaro Sithelisiwe Sibanda.

Zvichakadai, murongi kusangano reCWA, VaHardlife Mudzingwa, vanoti mushure meongororo yavakaita, vachanopira nyaya iyi kuvatsigiri vavo kuti vaone kuti vanhu ava vabatsirwa.

“Muongororo yataita, takaona kuti muGlen View bedzi, dzimba 58 dziri mumasuweji. Izvi zvinopa mikana yezvirwere zvemanyoka. Mugore ra2008/9 Zimbabwe yakaita nyaya dzechirwere checholera dzinosvika 98 000 apo kanzuru yeHarare yakaita 15 773 uye dzimwe nyaya dzinodarika 7 000 dzakabva kunzvimbo yeBudiriro neGlen View,” vanodaro.

Vanowedzera vachiti dambudziko rekushaikwa kwemvura yakachena uye iri pedyo nevanhu ndiro rimwe riri kuita kuti veruzhinji vanogarira kuzvibhorani zvichivaisa pamikana yekutapurirwa hutachiona hwecoronavirus uhwo hunokonzera Covid-19.

Masaga ekuitira kuti suweji isapinde mumba

Vobvunzwa nezvemamiriro ezvinhu aya, VaChideme vanoti vanoda kumboongorora nyaya iyi. 

 “Regai tiendeko tinoona kuti ichokwadi here chiri kutaurwa nenhau yemasuweji iyi. Tinokuudzai nezvematanho achatorwa,” vanodaro. 

Zvisinei, vamwe vashandi vekanzuru avo vakataura nemunyori uno vanoti vanoziva nezvenyaya yemasuweji anetsa vagari vekuGlen View nekuBudiriro aya, asi havakwanise kunozvigadzirisa kana vasina zvekushandisa zvakakwana, kunyanya munguva ino yechirwere cheCovid-19. 

“Basa iro tinogona kuriita nezuva rimwe chete, asi kana tisina dziviriro yema’personal protective equipment (PPE) semagirovhosi, mamasiki nemishonga inopomhodza munhuhwi wetsvina, kutaura chokwadi hatitsikeko,” anodaro mumwe wevashandi vari muchikamu chinoona nezvekugadzirwa kwemasuweji uyo asina kuda kudurwa nezita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey