Votyora mutemo we’lockdown’

15 Jan, 2021 - 15:01 0 Views
Votyora mutemo we’lockdown’ Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VERUZHINJI vari kutyora mitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) munzvimbo dzinosanganisira muguta reHarare pamwe nedhorobha reChitungwiza zvichitevera huwandu hwevanhu vari kuonekwa vachingombeya-mbeya munharaunda dzavanogara izvo zvinopa mikana yakakura yekupararira kwedenda iri.

Huwandu hwevanhu vari kupinda muguta reHarare huri kuratidza kuramba huchiwedzera.

Ongororo yaitwa neKwayedza muguta reHarare inoratidza kuti kunyangwe vamwe vanhu vanoshandira makambani asina kupihwa mvumo yekushanda panguva yelockdown vava kupinda muguta vachiita mabasa avo zvechihwande-hwande kuitira kuti vasaonekwa nemapurisa.

Mabhazi edutaruzhinji eZUPCO ava kuzara zvekare zvekuti kunyangwe vashandi vane magwaro ari pamutemo vava kukundikana kufamba zvakanaka uye nenguva.

Vamwe ndivo vari kuonekwa vachitengesa zvinhu zvavo mumikoto nepamisuwo yezvitoro kusanganisira vatengesi vemaruwa avo dzimwe nguva vanotandaniswa nemapurisa asi vachidzoka zvekare.

Kumusika weMbare, muHarare neJambanja iri kuChitunngwiza, vanhu ibesanwa vachitengesa nekutenga miriwo, matomatisi mbatya nezvimwe.

Vamwe ndivo vari kutengesa zvinhu vakaita zvekubereka kumusana kutira kuti vasaonekwe nemapurisa.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti kuwanda kuri kuita vanhu muguta reHarare kunogona kunge kuri kukonzerwa nekuti kune vemamwe makambani vakabvumirwa kushanda.

“Hakuna shanduko yati yaziviswa kana takatarisa chirongwa chelockdown asi kuti pamwe kune vanhu vanogona kunge vakawaniswa matsamba kubva kubazi rakanzi ripe magwaro ekufambisa. Tichaita ongororo kubva kubazi rinoona nezvekupihwa kwematsamba aya tione kuti magwaro ari kufamba nevanhu ndeechokwadi here.

“Kunyangwe vacho vari kufamba nemabhazi vari kumiswa nemapurisa vachinzi varatidze matsamba avo ekufambisa asi nhinhi hadzizoshaikwe, saka tiri kuita ongororo,” vanodaro Assistant Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey