World Vision yopa zvikoro makombiyuta

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
World Vision yopa zvikoro makombiyuta CREEZIN CHOFAMBA

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
SANGANO reWorld Vision riri kusimudzira dzidzo munyika muno kuburikidza nekupa makombiyuta nezvimwe zvinodiwa pafundo kuzvikoro.

Nguva pfupi yadarika, World Vision yakapa makombiyuta 17 ayo anokosha $24 000 kuchikoro cheNyakuchena Primary School chiri kuMudzi, mudunhu reMashonaland East.

Mukuru anoona nezvemabasa ebudiriro kuWorld Vision mudunhu iri, VaPatrick Nhuvira, vanoti chishuwo chavo ndechekubatsira mukusimukira kwedzidzo munyika.

“Tinogara tichibatsira mune zvakasiyana mudunhu rino reMudzi, zvinosanganisira kupa makombiyuta sezvatakaita kuchikoro cheNyakuchena. Tiri kushanda kuno tiri mumawadhi 7,” vanodaro VaNhuvira.

VaCreezin Chofamba, avo vanova District Schools Inspector (DSI) weMudzi vanorumbidza World Vision nekubatsira kwairi kuita zvikoro.

“Sangano reWorld Vision rakapa makombiyuta 17 paNyakuchena Primary uye tiri kufara zvikuru nedanho iri sezvo vana vedu vanodarika 600 vepachikoro ichi vave kukwanisa kushandisa makombiyuta muzvidzidzo zvavo nekuwanawo ruzivo rwepamusoro,” vanodaro.

VaChofamba vanoti mudunhu rose reMudzi mune zvikoro zvinokwana 102 apo 66 zvirIzvepuraimari ne36 zvesekondari.

“Mukati mezvikoro izvi, tine zvimwe zvitsva zvinoti masekondari 13 nemapuraimari maviri.

“Zvimwe zvezvikoro zvakabatsirwa nemakombiyuta zvinosanganisira Nyamakuyo Primary, Nyamapanda Primary, Muzezuru Secondary, Chifamba Secondary neChisvo Secondary,” vanodaro VaChofamba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey