‘Woti kundishusha, woti kumitisa munin’ina wangu’

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
MUMWE mukadzi anoti murume wake anomushungurudza zvikuru sezvo achigara achimurova nekumutswinya nzeve apo vanenge vatadza kunzwisisana mukugara kwavo. Pavai Hungwe akamhan’arira Manasa Hungwe, uyo ane chipari chevakadzi vatatu, kudare reHarare Civil Court achiti anomushungurudza zvikuru kubudikidza nekutuka, kutengesa midziyo yavo nekumudzinga pamba.

“Vanondituka, kana tikanetsana havadi kuti titaurirane mune zvakanaka. Ndikaramba bonde anondimanikidza, anokanda zvinhu panze achindidzinga pamba. Imba yaanondidzinga iri muzita rangu uye ndini nyakuigadzirisa nemari yakaroorwa mwana wangu mukuru.

“Kutaura kudai vakandiminyura ruwoko mwedzi yapfuura uye nhasi andimonya nzeve ndichitaura pafoni nasisi vangu,” akadaro Pavai.
Akaudza mutongi wedare Ruth Kamangira kuti haabvumidzwe kutaura nemunin’ina wake uyo anove mukadzi waPavai wechitatu.

“Wakamitisa munin’ina wangu, pamusoro pezvo haunditenderi kuti ndimude iye ari mwana wamai wangu. Apa haumuitiri zvaanofanirwa kuitirwa semukadzi wako. Maitiro ako iwayo anondishungurudza zvikuru,” akadaro Pavai.

Manasa akaudza dare kuti Pavai ndiye aitoshungurudza vamwe vakadzi vake vaviri uye akange asingade kugara kumusha nekuda upenyu hwemudhorobha.
“Ndinopikisana nazvo changamire, iye ndiye anotoshungurudza vamwe vakadzi vangu vadiki. Ane pamuromo, kunyaya nemukadzi wepakati nokuti haazi munin’ina wake. Munin’ina wake (Pavai) ndiye akandipa handina kumumitisa.

“Kana iri nyaya yokumudzinga pamba kunyepa, haadi kugara kumusha asi anoda kuita madiro aJojina mudhorobha. Anotora mari yerendi yose vamwe vanotoshaya mari kana yekudya chaiyo,” akadaro Manasa.

Mutongi Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Pavai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey