Uncategorized

Wua yakabatsira vakwegura

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Wua yakabatsira vakwegura

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
WOMEN’S University in Africa svondo rapera yakapemberera kusvitsa makore 15 yavambwa kuburikidza nekubatsira nezvekudya nembatya kuvanhu vakwegura vanochengetwa pamusha weSociety for the Destitute Aged (SODA) kana kuti Bako reDonhodzo Old People’s Home uri kuHighfield, muHarare.

Rubatsiro urwu rwunosanganisira bhinzi, matemba, nyama, mupunga nemabhatye akagadzirwa nematehwe.

Vachitaura pachiitiko ichi, Dr Elizabeth Chikwiri – avo vakafanobata chigaro chaVice Chancellor weWUA – vanoti seyunivhesiti, vanogara vachiita mabasa ekubatsira vanotambura.

“Mwedzi waGunyana wega-wega takauisa pakarenda redu kurangarira vanotambura nokuti ndiwo mwedzi webhavhudheyi redu. Mwedzi uno tiri kusvitsa makore 15 saka patiri kupemberera kudai vadzidzi veyunivhesiti yedu nevamwe vatsigiri vakaona zvakakosha kuti tifare pamwe nevakwegura tichigoverana navo zvishoma zvatiinazvo,” vanodaro.

Vanoti mukati mezvidzidzo zvinoitwa payunivhesiti yavo, pane chinotarisa nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.

Dr Chikwiri vanoti vakaona zvakakosha kubatsira vakwegura nedonzvo rekuti vavewo nechiremerera munharaunda.

“Chikamu che5,8% chevanhu vari muZimbabwe ndechevakwegura uye zvinofadza zvikuru nekuti Zimbabwe ndiyo yakava nyika yekutanga pakati pedziri muAfrica pakusaina magwaro emitemo inocherechedza pamwe nekusimudzira raramo yevanhu vakwegura zvichitevera chisungo chakaitwa kumusangano weMadrid International Plan of Action on Ageing Summit,” vanodaro Dr Chikwiri.

Vanotenda musha weSODA nekuchengetedza vakwegura kubvira muna2002 apo wakavambwa.

VaSamuel Nyamutsamba vanove sachigaro wemusha uyu vanoti vanochengeta vakweguru gumi nevasere avo vanosanganisira madzimai maviri.

“Akwegura kudarika vamwe vose pano ndiSekuru Isaac Medias (94), avo vanobva kuMalawi. Dambudziko guru pano nderekushomeka kwechikafu saka tinotenda nerubatsiro rweWUA. Vaita kuti tikwanise kubikirawo vanambuya nanasekuru nyama sezvo vanga vava nenhomba,” vanodaro vachiseka zvavo.

Vanoti vane shungu dzekuti vatsigirwe mumabhindauko ekurima kuitira kuti vasangomirira kuwaniswa rubatsiro nguva nenguva.

“Tinoda kuti tive negreenhouse inotibatsira kuti tirime zvirimwa zvakasiyana kwegore rose zvinova zvinotibatsira kuti tiwane mari pane kuti tirambe tichipemha. Tinoda zvakare kutsigirwa nemotokari kuitira kuti tiwane zvekufambisa mukutakura vakwegura vachienda kuchipatara kana vachinge varwara,” vanodaro.

Vamwe vevakweguru vakatendawo WUA nerubatsiro rwezvekudya pamwe nezvipfeko.

“Ini ndava nemakore 15 ndichichengetwa pano mushure mekunge ndarasikirwa nehama dzangu dzose. Ndakanga ndangova munhu wekutenderara ndichiti apo ndagara apo ndarara muMbare umu. Kumusha kwangu kuMalawi uye vana vangu vese vakashaya kukangosara vazukuru vari kuMhondoro. Ndinofara nekudya kwatavigirwa uku,” vanodaro VaJerty Gundani (78).

Mbuya Rosta Chimoko (70) vanoti vakabva kumusha kwavo kuMozambique muna2008 vachiuya kuzoshanda mabasa emudzimba muZimbabwe.

“Varungu vandaishandira pavakazoona kuti ndakwegura uye ndava kurwara nechirwere chekusvuuka ganda, vakabva vandiunza pano. Ndava nemakore akawanda ndiri pano uye tiri kuchengetwa zvakanaka. Vanondirapisa kuParirenyatwa Group of Hospitals saka ndave nani,” vanodaro vakasimira rimwe remabhatye avakapihwa neWUA.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey