Yadah yotevera Blue Rangers

12 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka —
CHIKWATA chenhabvu cheYadah Stars ndicho chaita chekutanga mumakore mashanu kunwiswa kanomwe mumutambo mumwe chete zvichitevera kurikitwa kwachakaitwa 7-2 neBantu Rovers svondo rapera.

Yadah Stars yatevera matsimba ezvikwata zviviri zvinoti Quelaton iyo yakakundwa 7-1 neHighlanders FC musi wa5 Nyamavhuvhu 2012 kozoti Blue Rangers yakakundwawo 7-1 neHwange musi wa14 Mbudzi 2012.

Kubva Blue Rangers payakarakashwa neHwange, hapana kuzombowanikwazve chimwe chikwata chakahwina kasere mumutambo mumwe chete izvo zvakazonekwa svondo radarika apo Yadah Stars ‘yakazorwa butter’ neBantu Rovers kuLuveve musi weMugovera.

Quelaton neBlue Rangers zvese zvakabva zvaburitswa muPSL pakapera mwaka wa2012.

Mugore iri zvakare, Blue Rangers yakamborikitwa 6-0 neDynamos FC musi wa8 Chikunguru.

Quelaton yakapedza mwaka uyu iri pasi pelog mushure mekunge yawana zvibodzwa 11 kubva mumitambo 30 yayakatamba yePSL.

Blue Rangers yakaburitswawo zvakare sezvo yakange yatadza kuwana zvibodzwa zvaikwanisa kuiponesa kuti isaburitswe muPSL.

Mwaka uno, Yadah Stars yakapinda zvine mutsindo muPSL uye yainetsa kunwisa izvo zvakaona ichitamba mitambo mina isina kumbonwiswa.

Zvisinei, chikwata ichi chakazonwiswa mumitambo mitatu yakatevedzana izvo zvakaona chichiita mangange 1-1 neChapungu United, ndokukundwa 1-0 neDynamos FC uye nekurakashwa kwachakazoitwa neBantu Rovers.

Zvakadai, vaongorori venhabvu pamwe nevatsigiri vemutambo uyu nguva yadarika vange vachishora ligi remuno vachiti riri kudzikira sezvo vatambi vasiri kugohwesa mabhora zvinonwisa mvura.

Zvisinei, musambo wakazosanduka sezvo Chicken Inn yakakunda Bantu Rovers 5-0 kozoti CAPS UNITED ikarakashawo Chapungu United 4-0.

Zvakadai, mugore ra2013 – mumitambo yese – zvikwata zvinoti Tripple B neMonomotapa ndizvo zvakakundwa nezvibodzwa zvakawanda kudarika zvimwe.

Triple B yakakundwa 5-1 neBuffaloes kozoti Monoz yakarikitwa pamberi pevatsigiri vayo 5-2 neHighlanders.

Muna 2014, pakatambwa mitambo yakawanda iyo yaiita kunaya zvibodzwa inosanganisira apo Hwange yakakunda Buffaloes 5-1, Triangle yakabviswa chiri kumeso pamberi pevatsigiri vayo kuGibbo Stadium neZPC Kariba payakazvamburwa 5-1. Triangle yakazokundawo Buffaloes 5-1 kuGibbo kozoti Harare City ikaradzikwa neDynamos FC muRufaro 5-3.

Gore ra2015 rakanaya magobhora kuchikwata chainzi Wha Wha icho chakanwiswa ka51 mumitambo yacho yese yePSL ndokupedza chiri pechi15 chichibva chaburitswa muPSL.

Mwaka wadarika, Hwange yakakunda Triangle 5-3 zvakaita kuti ive chikwata chakanwiswa kakawanda kudarika zvimwe mumutambo mumwe chete.

Tichitarisa kune mimwe mitambo yekunze yakanwisa kakawanda mwaka uno, Bayern Munich yekuGermany yakakunda Hambuger SV 8-0 musi wa25 Kukadzi mumutambo uyo wakakatyamadza vazhinji.

Kozoti Borussia – iyo yairwira mukombe weBundesliga – yakakunda Darmstadt 98 6-0.

Mwedzi wadarika, Barcelona yekuSpain yakarakasha Osasuna 7-1 uye musi wa11 Kukadzi yakakunda Deportivo Alaves.

KuItaly muligi reSerie A, Napoli yakarikitwa Bologna 7-1 musi wa4 Kukadzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey