Uncategorized

‘zamu rinondipa chibhanzi’ … ‘Ndimo makabva makombi angu’

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
‘zamu rinondipa chibhanzi’ … ‘Ndimo makabva makombi angu’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUKADZI wechidiki anova chizvarwa chemuno asi achigara kuSouth Africa afunga kuburitsa zvakavandika zvinomuita kuti apfume — izamu rake rekurudyi.

Anoti ane dumwa rinofema iro raakanotora kun’anga yekuLesotho, iro rinoita kuti ashandise zamu rake kutorera varume mari nehumwe upfumi.

Zvichibva muzamu rake iri, mukadzi uyu anoti akwanisa kuita mari, makombi, mota dzake nekuvakira vabereki vake imba pahumwe upfumi hwaaita.

Kuti achitaura zvakavandika izvi, mukadzi akanyatsosvika uyu ari kuti haachazvida sezvo mhiko dzacho dziri dzekuti haafanirwe kuita mwana, kuroorwa kana kurara nevarume.

Chioniso (37) — uyo ari kukumbirisa kuti tisamutaure nezita rake rizere nekuti anotyira kuti nyaya ino inogona kukanganisa mamwe emabasa ake amusimudzira kusvika paari — anoti ane dumwa rinoshandisa zamu rake rekurudyi kutsvaga mari.

“Kana ndakuda hauna kwaunoenda nako, zvinotoita bedzi. Pasina zvekuti unoriyamwa, ndikangokuguma bedzi nezamu rangu reku‘right’, zvatopera. Unotoita zvandinoda, pasina kana kupikisa,” anodaro Chioniso.

Anoti akasvika pane varume vane mari, anonzwa nekuvava nezamu iri richipfura uye akasvika pane wacho ane mari yakawanda, rinomira kuti twi rowedzera kupfura.

“Zamu rangu iri — achiriratidza kuKwayedza — ndimapfumise. Ndikangonzwa rave kuvava ndasvika pavarume, ndotoziva kuti pane ane mari yakawanda inotangira pa$1 000 zvichikwira.

“Mhiko dzangu ndedzekuti ndinofanirwa kuguma murume uyu nezamu iri, riri mukati mehembe — zviya zvekuita sendinomanikidzana nemurume uyu mungava mumutsetse muchitoro kana pai. Ndikangodaro chete, unoona murume ava kutadza kugadzikana, ongonekaira achida kutaura neni achingonyemwerera.

“Ndikabuda mungava muchitoro, anosiya kana girosari rake raanga achida kutenga achinditevera ndokandwa shoko rerudo ini ndobvuma. Ndipo paaperera.”

Chioniso anoti mushure mezvo, dzimwe nguva vanozoenda kunzvimbo dzekutandarira, murume achida zvebonde naye apo anoti zamu rekurudyi iri rinomukwezva kuti ariyamwe.

“Zvikangodaro bedzi, ndapedza naye. Kungoriyamwa zamu iri, pake papera nekuti ndipo pane simba rangu rekushava rose. Handisi pfambi, asi ndiri mushavi nekuti varume ava handirare navo, vanoshaya nhengo yangu kana kuti panopanduka kuita pemunhu wechirume — kana ruware.

“Pavanondiyamwa zamu iri, vanoita mafuza kana kuti mazungairwa ipapo voita zvose zvandinoda. Vamwe vanondipa makadhi ekubhengi zvose nePIN dzacho voti enda hako unotora mari yaunoda. Vamwe vanondipa makiyi emota, hanzi tora hako, zvawandiitira nezamu rako zvinotyisa. Rinodzungaidza varume misoro zamu iri,” anodaro Chioniso asina kana kunyara.

Anoti murume akayamwa zamu rake rekuruboshwe, hapana zvinoitika uye kashoma kuti varume vayamwe iroro sezvo vachidhonzerwa kune rekurudyi nemhiko dzake.

“Handizive kuti vanoita sei varume ava nekuti vanobva vadhakwa pavanoriyamwa. Vamwe vacho vanotokotsira munyatso wezamu uri mukanwa, kuita sevana vacheche. Ipapo ndipo pavanotaura zvose, vachitenda nekundipa zvavanazvo — zvandinoda ini.

“Semumwe muzvinabhizimisi, akandipa kombi akapfumbirwa nezamu. Ndiyo imwe yemakombi angu mashanu ari pa‘road’ kutaura kuno.”

Chioniso anoti akavakira vabereki vake imba muHarare uye ane motokari yaakapawo mukoma wake.

Anoti dumwa iri akaritora achitsvaga kupfuma asi zvava kumupandukira.

“Ndakanzi uchaita mari yakawanda zvikuru ndokupihwa kadhori kanofema ako kandinogarisa mubhodhi, pakati pemazamu angu.

“Dambudziko rangu rava pakuti ndava kudawo kuroorwa, ndiite mwana wanguwo. Zvekare, pane zvinhu zvandinotoziva zvinorara neni kubva pandakatora mushonga uyu makore mashanu akadarika,” anodaro.

Chioniso anoenderera mberi: “Zamu racho rinovava zvakanyanya kana paita murume ane mari inotangira pa$1 000. Pakaitawo yakawanda kudarika iyi, rinowedzera kuvava richipfura.

“Varume ava havakwanise kurara neni, vanoshaya sikarudzi yangu ndaita ruware kana kuti panosanduka kuita nhengo yechirume. Asi zvisinei nekutadza kurara neni, varume ava vanonakirwa nezamu iri kudarika zvose, vodurura mari yose kwandiri ndotozonzwa tsitsi. Vamwe ndinotoramba pane zvavanoda kundipa nekuti ndinoona kuti vanozouraya mhuri dzavo nenzara.”

Anoti mumwe murume akada kumupa flat rake riri muHarare apo iye akazoona kuti ndiko kunogara mhuri yake naiye zvikaita kuti arirambe. “Ndikadzokera kun’anga iyi haichada kutambira zvinhu zvayo ichiti ndakazvitorera chii? Saka ndakauya kuno kuZimbabwe kuzotsvaga kubatsirwa neimwe n’anga. Ndinoda kuti dumwa iri riuraiwe asi ndosara ndiine pfuma yangu — kanawo ikaparara ndawana mhuri hazvina kuipa.”

Mukadzi uyu pari zvino ari kugara kumba kwemukoma wake muHarare, achibatsirwa asati adzokera kuSouth Africa.

“Ndatambura nezvinhu izvi. Asi vabereki vangu vari kuti ndirambe ndinazvo nekuti vari kuwana nduramo kubva mazviri. Ini handichada. Ngatishandei nemawoko edu kwete nemishonga,” anodaro.

Vachitaura mushure mekubvunzwa nezvenyaya iyi, n’anga yemuHarare, Sekuru Kamwelo Banda vanoti mukadzi uyu akapihwa dumwa rakagadzirwa nemishonga yakasanganiswa neropa remunhu akafa.

“Ichi chikwambo, ndicho chinorara naye uye hachidi mumwe munhu ipapo. Mweya wemunhu akafa ane ropa rakasanganiswa nemishonga unoda kudzoserwa kwawakatorwa, chikwambo chacho chourayiwa. Asi mukadzi uyu anosara vasina chinhu nekuti zvikwambo zvinoenda nepfuma yazvo,” vanodaro Sekuru Banda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey