ZC yotemera zvirango kumutsigiri

23 Feb, 2023 - 14:02 0 Views
ZC yotemera zvirango kumutsigiri Mutungamiri weZimbabwe Cricket, Tavengwa Mukuhlani

Kwayedza

Abel Ndooka

ZIMBABWE Cricket yakatemera zvirango kune mumwe mutsigiri uyo aida kukonzera huwori mumutambo uyu.

Mutsigiri uyu anonzi Edward Walter Mupangano (27) akabatwa nemhosva yekuda kukonzera huwori mumutambo wecricket izvo zvakamuona achiedza kunyengetedza mutambi wemaChevrons, Luke Jongwe, kuti arase mutambo wechikwata ichi.

Jongwe paakavingwa, akabva amhan’ara kuhutungamiri hwecricket avo vakatanga kuferefeta nyaya iyi.

Mupangano anonzi ainge avimbisa Jongwe US$7 000 apo iye aizowanawo US$3 000 padhiri iri uye ainge atumwa nechimwe chizvarwa chekuIndia.

Mukutsvakurudzo dzakaitwa, Mupangano akabatwa nemhosva iyi iyo yaakabvuma inove muboka remhosva dzeZC Anti-Corruption Code ndokutemerwa chirango chekuti asawane chekuita nemutambo wecricket kwemakore mashanu anotevera.

Izvi zvinoreva kuti Mupangano haatenderwe kutsika kunhandare kuzoona cricket ichitambwa uye haatenderwe kutambawo mutambo uyu.

Muchinyorwa, ZC inoti nyaya dzakaita seidzi dzinorakidza kuti panofanirwa kuve pane mitemo munyika unosunga vanhu vanenge vabatwa nemhosva yekuda kutengesa mitambo yakasiyana kana kuita huwori mune zvemitambo.

Mutungamiri weZC – Tavengwa Mukuhlani – anoti: “Muonero wedu zvirango zvakaomarara, kunyangwe zvinobata munhu, zvichabatsira kuti cricket ipedze zvinhu zvinoisvibisa.

“Kuva nemutemo wekusunga vanotengesa mitambo kana kuita huwori, zvinotumira shoko guru kune vanoda kuzviita kuti huwori hauna nzvimbo mucricket uye vaye vanozviita vanofanirwa kukandwa mujeri,” anodaro Mukuhlani.

Kuchiti managing director weZC, Givemore Makoni anoti ZC ichasimbaradza zvirongwa zvekurwisa huwori mumutambo uyu ichishanda yakabatana neICC kuti cricket munyika ino isasvibiswe.

“Chimiro cheZC nemutambo uyu chakakosha zvikuru, saka panofanirwa kuve pane kuzvibata zvakanyanya pamwe nekuvimbika mumatanho ese emutambo uyu zvinoda kukosheswa.

“Tinotora mukana uno kutenda Luke Jongwe nekumhan’ara kwakaita kuti avingwa – ndizvo zvatinotarisira kuti zviitwe nevanhu vese vari mucricket kuti zvibatsire mutambo wedu ugare wakachena,” anodaro Makoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey