Uncategorized

Zim iri mugwara – Mahomva

05 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Zim iri mugwara – Mahomva Dr Mahomva

Kwayedza

Tandayi Motsi

ZIMBABWE iri mugwara rakanaka pakurwisa chirwere cheCovid-19 kunyangwe zvazvo pachiri nezvakawanda zvinoda kuitwa nechinangwa chekusimbaradza zvirongwa zvekumisa kupararira kwedenda iri.

Vachitaura pachirongwa chepasvondo icho vanozivisa nyika mamiriro echirwere ichi, Dr Agnes Mahomva avo vanova Chief Co-rdinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti zvabuda muongororo (inter-action review) iyo iri pakati pekuitwa pamusoro pechirwere cheCovid-19 kubvira pachakatanga muZimbabwe mumwedzi waKurume wegore rino zvinoratidza kuti nyika ino yakwanisa kumisa chirwere ichi.

Ongororo iyi ine chinangwa chekuona pasvikwa nenyika ino kubvira pakatanga chirwere ichi, budiriro yavepo, matambudziko ari kusanganikwa nawo uye nezvingaitwe kugadzirisa mamiriro ezvinhu. Iri kuitwa zvakare senzira yekuzadzikisa zvinodiwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose, reWord Health Organisation (WHO), panyaya yekurwisa chirwere ichi.

Kusvika nemusi weMuvhuro, Zimbabwe yange yava nevanhu 8 389 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pavarwere ava, 7 939 vakatopona asi vamwe 245 vakafa.

Dr Mahomva vanoti zvakakosha kuti zvirongwa zvekurwisa chirwere ichi zvirambe zvichisimbaradzwa.

“Zvabuda muongororo iyi kusvika pari zvino (preliminary results) zvinoratidza kuti basa riri kufamba zvakanaka chose panyaya yekuti chikamu chezveutano chikwanise kurwisa Covid-19 kunyangwe zvazvo pachine zvakawanda zvinoda kuitwa mukusimbaradza zvirongwa zvekumisa kupararira kwedenda iri,” vanodaro.

Dr Mahomva vanoti ongororo inoratidza kuti matunhu ose enyika ane nzvimbo dzakatarwa dzekuchengetera vanhu vanenge vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19. Dr Mahomva vanotizve chikamu che86 precent chematunhu emunyika chinoratidza kuti chine zvirongwa zvakasimba zvekutsigira vashandi vezveutano vemunharaunda (village health workers) kuti vasasangane nematambudziko pakudzidzisa veruzhinji nezveCovid-19.

“Izvi zvakakosha nekuti nyaya zhinji dzevanhu vari kubatwa neCovid-19 ndeavo vanenge vasingarware zvakanyanya nekudaro havadi kupihwa mibhedha muzvipatara asi kuti vanenge vari munharaunda dzavanogara.”

Dr Mahomva vanoti zvimwe zvezvimhingamipinyi zviri kubuda muongororo iyi zvinosanganisira kusavhenekwa kwevanhu vakawanda chirwere ichi.

Izvi, vanodaro Dr Mahomva, zviri kukonzera matambudziko ekuzoronda vanhu vakambosangana nemunhu anenge abatwa aine Covid-19 mushure mekuvhenekwa.

Panyaya yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi muzvikoro, Dr Mahomva vanoti Hurumende kuburikidza nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakabatana nereutano nekurerwa kwevana – iri kuona kuti mitemo yekurwisa Covid-19 yatevedzwa zvizere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey