Zimbabwe izere nematarenda: Mujaji

03 Jul, 2023 - 23:07 0 Views
Zimbabwe izere nematarenda: Mujaji Elliot Mujaji

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa mumujaho wekumhanya – Elliot Mujaji – anoti anofadzwa netarenda raari kuona revamhanyi vemazuva ano avo vari kukwikwidza mumijaho yakasiyana.

Kubva paakasendeka shangu dzake dzekumhanya, Mujaji akatora chikamu chekutanga kurairidza vamhanyi izvo zviri kumuona achishanda neshasha dzekumhanya mijaho yakasiyana.

Pari zvino Mujaji ari kushanda kurairidza vamhanyi kuchikwata cheElite Athletics Academy icho chiri kuZvishavane uye nguva pfupi yadarika akatakura chikwata chake kuenda kunokwikwidza kumujaho weTanganda Half Marathon, kwaMutare.

Achitaura, Mujaji anoti ari kuona kuti vatambi vakasiyana munyika vari kubikwa zvakanaka izvo anoti zvichabatsira kubura vamhanyi vakawanda vachazonomirira Zimbabwe kumijaho yakasiyana kunze.

Anoti tarenda rizere munyika muno uye pari kudiwa kuti shasha dzekumhanya dzirongerwe mijaho yakawanda yekuti dzigare dzichikwikwidza.

“Mukufamba kwandiri kuita nechikwata chengu tichienda kumijaho yakasiyana, tiri kuona kuti kune shasha dzekumhanya dzakawanda dziri kukwikwidza izvo zvinorakidza kuti ramangwana redu mune zvekumhanya rakajeka zvikuru.

“Sangano redu reNational Athletics Association of Zimbabwe (NAAZ) riri kushanda kuita basa rakanaka chaizvo rekuronga mitambo yakawanda iyi nekuti iri kubatsira chaizvo, zvinobatsira vatambi vedu kuti vange vakagadzirira kusvika padanho rekukwikwidza.

“Mijaho iyi ngaive yakawanda nekuti vamhanyi vedu ndipo pavanorarama napo,” anodaro.

Semurairidzi, Mujaji anoti ari kusunda vanomhanya vari muchikwata chake kuti vaende kunokwikwidza kumijaho yakasiyana yemunyika nechinangwa chekuti varambe vachisimukira mumutambo uyu zvigozovabatsira kusimuka kuenda padanho rekuti vazonokwikwidza kunze kwenyika.

“Ini shuviro yangu ndeyekuti vamhanyi vari muchikwata changu vange vachienda kunomhanya mumijaho yese inorongwa munyika nekuti zvinovabatsira kugara vachikwikwidza kuitira kuti vazobudirirawo kuwana mukana wekuenda kunze kwenyika. Tikahwina mijaho yakawanda yemuno, ndipo tinowana mukana wekuenda kunokwikwidzawo kunze kwenyika izvo zvinove zvinoshuvirwa nemutambi wese,” anodaro.

Mujaji panguva yake, aive nemukurumbira munyaya dzekumhanya izvo zvakamuona achihwina menderu dzegoridhe dzakawanda kumijaho yaisanganisira yeParalympics mugore ra2000 kuSydney, Australia uye gore ra2004 kuAthens, kuGreece.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey