Zimbabwe yorwisa kutorwa kwezvinodhaka

23 Oct, 2023 - 19:10 0 Views
Zimbabwe yorwisa kutorwa kwezvinodhaka Dr Jenfan Muswere

Kwayedza

Cletus Mushanawani

APO dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka riri kuramba richidzika midzi munyika yose, zvikuru kune vechidiki, Hurumende iri kusimbaradza matanho ekurwisa katsika aka.

Matanho aya anosanganisira kuvandudza mutemo nechinangwa chekuranga zvakaomarara vose vanobatwa nemhosva dzerudzi urwu.

Nzvimbo dzaimborapirwa varwere veCovid-19 dziri kusandurwawo kuti dzibatsire vanhu vari kutambudzwa nekutora zvinodhaka, ukuwo komiti yenyika inoona nezvezvinodhaka inotungamirwa negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, yakaumbwawo.

Kumatunhu enyika, nekumadistricts nemawadhi kune zvakare makomiti akaumbwa nedonzvo rekuita mukomberanwa mukurwisa dambudziko iri.

Vachitaura nemusi weSvondo wadarika kukomiti yedunhu reManicaland inoona nezvezvinodhaka, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Dr Jenfan Muswere – vanoti zvinodhaka nderimwe rematambudziko makuru ari kukonzera kusagadzikana pasi rose.

“Ongororo yakaitwa muZimbabwe nguva pfupi yadarika yakaratidza kuti chikamu che7.1 percent chevechidiki vari kushandisa zvinodhaka zvakadai sembanje, crystal meth kana kuti mutoriro, broncleer, mafuta anotsvukisa ganda, doro riri kubikwa zvisiri pamutemo nemishonga inosandura chimiro chemuviri. Vana vane makore 10 ekuberekwa vava kushandisawo zvinodhaka.

“Sezvakangoita Covid-19, kushandiswa kwezvinodhaka kwakanganisa nyika yedu, kunyanya utano hwepfungwa kuzera revechidiki. Izvi ndizvo zvakaita kuti munaKubvumbi 2022, mutungamiriri wenyika President Mnangagwa, vaumbe Inter-ministerial Taskforce nechinangwa chekurwisa dambudziko iri. Nekuda kwekuoma kwenyaya iyi, Inter-ministerial Taskforce yakazovandudzwa kuve komiti yenyika yose,” vanodaro Dr Muswere.

Gurukota rinoona nezvedunhu reManicaland Provincial Affairs and Devolution, Advocate Misheck Mugadza, vanoti dunhu ravo, sezvakangoita mamwe matunhu ose enyika, riri mushishi kurwisa kutorwa kwezvinodhaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey