Kwayedza
Munyori weKwayedza
SANGANO reZimcare Trust riri kuita mabasa makukutu ekusimudzira raramo yevana vanorwara nepfungwa nekuona kuti upenyu hwavo hwaendeka uye senzira yekusimbaradza mabasa aro, richangobva kusarudza nhengo itsva dzekanzuru yaro.
Muzvinabhizimisi ane mukurumbira, Dr Tinashe Manzungu, ndivo sachigaro vekanzuru iyi vachiteverwa naMuzvare Patricia Glenda Kambarami vanova nyanzvi munyaya dzekusimudzira raramo yevakaremara uye vari muvambi wesangano reSt. Chistopher’s Children with Disability (SCCD) iro rinobatsira vana vanotambura kuHatcliffe, muHarare.
Dzimwe nhengo dzekanzuru iyi ndiPete Compton, Siwinike Tauya, Elsie Stevenson Mahlangu, Emily Manyere naAdvocate Takudzwa Josiah Mafongoya avo mumwe nemumwe wavo ari kuunza ruzivo rwakadzama pamusoro pekusimudzira raramo yevanorwara nepfungwa.
“Tine mufaro mukuru kugamuchira makanzura edu matsva,” vanodaro Dr Manzungu.
“Kwavanobva kwakasiyana, ruzivo rwemaindasitiri akatsaukana nemabhodhi uye kuzvipira kwavo kutsigira raramo yevanorwara nepfungwa zvichabatsira zvakanyanya mubudiriro yeZimcare Trust.
“Pamwe chete, takazvipira kuenderera mberi nechinangwa chedu chekuti hapana anofanirwa kusarira kumashure uye kuti pave nemikana yakaenzana kunhengo dzedu dzose dziri munharaunda.”
Vanoda kuziva zvakawanda pamusoro peZimcare vanoenda padandemutande rinoti <https://zimcaretrust.org/