Zivai maWarriors ari kuEurope

03 Aug, 2023 - 20:08 0 Views
Zivai maWarriors ari kuEurope MaWarriors ari kuEurope

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI vemaWarriors vane chitsama vanotambira kuEurope mwaka watatarisana nawo vari kutarisirwa kutamba nhabvu yepamusoro sezvo vazhinji vakashandura zvikwata zvekutambira.

Mwaka mutsva wenhabvu yekuEurope kune dzimwe nyika uri kutanga svondo rino uye kumwe wakatotanga svondo radarika.

Svondo rino, Kwayedza yakaita ongororo yevatambi vemaWarriors kuti vachatambira zvikwata zvipi uye nematambiro avange vachiita panguva yekugadzirira mwaka mutsva.

Marvelous Nakamba – Luton Town

Luton Town yakarwisa kutenga Nakamba kuti ave mutambi wayo zvachose zvichitevera kuibatsira kwaakaita kuti ipinde muEngland Premier League kekutanga kubva pakaumbwa EPL mugore ra1992.
Nakamba ange asiri muhurongwa hwaUnai Emery kuAston Villa uyo akatumira mutambi uyu kuLuton Town nechikwereti mwaka wadarika uko akanotamba nhabvu yainwisa mvura.

Marvelous Nakamba

Pari zvino Nakamba akwanisa kutamba mutambo mumwe chete wepre-season kubva zvaatengwa neLuton apo chikwata chake chakatamba mutambo wehushamwari neSheffield Wednesday svondo radarika.

Luton Town mutambo wayo wekutanga muEPL ichatamba neBrighton n Hove svondo rinotevera.

Admiral Muskwe – Luton Town

Admiral Muskwe

Remangwana raMuskwe harina kunyatsojeka nekuti mwaka wadarika aive asiri muhurongwa hweLuton Town izvo zvakamuona achimbotumirwa kuchikwata cheFleetwood Town icho chinokwikwidza muEnglish League One.

KuFleetwood Town, akwanisa kutamba mitambo 12 ndokunwisa katatu, asi haana kuzopedzisa mwaka wese ariko sezvo akadzorwa kuLuton Town uko akazopedzisa mwaka wese asingatambe.

Vatsigiri venhabvu mwaka uno vachange vachida kuona Nakamba naMuskwe vachitamba muchikwata chimwe chete.

Brendan Galloway – Plymouth Argyle

Galloway achange achitambira nhabvu yake muEnglish Championship zvichitevera kupinda kwakaita Plymouth Argyle ichibva kuLeague One mwaka wadarika.

Brendan Galloway

Mwaka wadarika, wakatanga Galloway akakuvara izvo zvakamutadzisa kutamba mitambo yakawanda naizvozvo anofanirwa kurwa semvumba kuti ange achisarudzwa kuzotambira chikwata ichi.

Mwaka wePlymouth uri kutanga svondo rino nemusi weMugovera apo ichasangana neHuddersfield Town.

Marshall Munetsi – Stade de Reims (France)

KuFrance, Marshall Munetsi mwaka wadarika akatamba nhabvu yainwisa mvura izvo zvakaona achinwisa kanomwe kuLigue 1 chikwata chake ndokubva chamupa kondirakiti itsva inosvika gore ra2027.

Marshall Munetsi

Mutambi uyu mwaka uno ari kutarisirwa kutamba nhabvu yepamusoro achibatsira chikwata chake kuti chirambe chichisimukira kuLigue 1. Reims mutambo wayo wekutanga wemuLigue 1 ichatamba neOlympique Marseille svondo rinotevera nemusi wa12 Nyamavhuvhu.

Tino Kadewere – Lyon

Mushure mekupedza mwaka wadarika achitambira nhabvu yake kuSpain kuReal Club Deportivo Mallorca uko ainge aendeswa nechikwereti, Kadewere adzokera kuOlympique Lyon uye ane gomo guru rekukwira kuti atambe mwaka watatarisana nawo.

Tino Kadewere

Kadewere ange achitamba mitambo yehushamwari yange ichitambwa neLyon panguva ino yepre-season uye akatonwisa apo chikwata chake chakakunda cheDe Treffers chekuNetherlands 2-1.

Mwaka uno, Kadewere akaramba ari kuLyon anofanirwa kurwira chinzvimbo chake naAlexandre Lacazette, Toko Ekambi, Jeffino nevamwe kuti agotamba muchikwata chaLaurent Blanc.

Jordan Zemura – Udinese (Italy)

Zemura ndiye achaita mutambi wekutanga kubva muZimbabwe kuzotambira nhabvu yake kunyika yekuItaly zvichitevera kutengwa kwaakaitwa nechikwata cheUdinese icho chinotambira muSerie A.

Jordan Zemura

Masvondo adarika apo akatamba mutambo wake wekutanga achitambira Udinese, Zemura akanyora kuti: “Kutanga ndiri muruvara rweUdinese, ndine kufara kukuru! Ndatamba zvakanaka, ndiri kutarisira zvakawanda kumberi uye kuramba ndichishanda nesimba.”

Mwaka wekuItaly uchatanga nemitambo yeCoppa Italia izvo zvichaona Udinese ichitamba nechikwata chichahwina pakati peCatanzaro neFoggia nemusi wa11 Nyamavhuvhu.

Tendayi Darikwa – Apollon Limassol (Cyprus)

Zvichitevera kuburitswa kwakaita Wigan Athletic muEnglish Championship, Darikwa, uyo aive kaputeni wechikwata ichi, akabva arongedza mabhegi ake ndokunanga kuCyprus kuchikwata cheApollon Limassol.

Tendayi Darikwa

Papre-season, Darikwa ange ari kutamba mitambo yakawanda izvo zvinorakidza kuti ari muhurongwa hwechikwata ichi chakatarisana nemwaka mutsva.

Mitambo yeApollon Limassol ichatanga nemusi wa19 Nyamavhuvhu apo ichasangana neOthellos Athienou iyo ichangopinda muCypriot First Division mwaka uno.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey