Uncategorized

Zvakakoshera kuita hutsanana

20 Feb, 2022 - 15:02 0 Views
Zvakakoshera kuita hutsanana

Kwayedza

Abel Ndooka

VANHUKADZI vanokurudzirwa kuti vatore chikamu chikuru mukurwisa chirwere cheCovid19 kuburikidza nekudzidzisa nharaunda kukosha kwekuita hutsanana nguva dzose.

Kurudziro iyi yakaitwa nemutungamiri wesangano reElephant Minds Group – Mai Farirai Mamombe – vachiti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa neHurumende pamwe nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organization (WHO) ekuzvidzivirira kudenda iri.

Matanho aya anosanganisira kupfeka masiki nenzira kwayo kana munhu ari panzvimbo inosangana veruzhinji, kushambidza mawoko nguva nenguva nemvura nesipo kana kushandisa sanitizer uye kusaita chitsokotsoko sezvo izvi zvichipa mukana mukuru wekuti chirwere ichi chitapuriranwe.

“Tiri kuona vanhu vachivarairwa zvikuru, vamwe havachapfeka mamasiki avo kana vari pane ruzhinji zvinova zvakashata. Denda iri richiriko uye hakuna ati aziva kuti richapera rinhi.

“Naizvozvo ndinokurudzira madzimai kuti ngatitungamire pakupa dzidziso kunharaunda dzakasiyana dzizive uye dzidzidze kukoshesa matanho akaiswa neHurumende neWHO ekurwisa Covid-19. Vanaamai, ngatiitei hutsanana mudzimba dzedu, kumabasa nemunharaunda matinobva ngationei kuti makachena.

“Hutsvina hunotiparira nekuti hunogona kukonzeresa matambudziko ezvimwe zvirwere kunze kweCovid-19,” vanodaro Mai Mamombe.

Vanoti ino haisisiri nguva yekuti vanhukadzi vagare vachingochema-chema vachiti denda iri rakanganisa upenyu hwavo asi kuti vanofanirwa kuita mabhindauko ekuraramisa mhuri dzavo.

“Mazuva ano munhu unotofanirwa kushandisa mawoko ako kuita mabasa akasiyana nekuti pasina izvozvo unofa nenzara. Mudzimai haafanirwe kugarira mawoko, asi kuashandisa kutsvaga mari.

“Covid-19 yakanganisa mabasa evanhu vazhinji zvekuti vamwe vakasvika pakudzungaira vapererwa. Asi munhu haufanirwe kupererwa, tsvaga zvimwe zvekuita, tengesa kana matomatisi chaiwo uraramise mhuri pane kungogara uchichema kuti Covid-19 yakukanganisa,” vanodaro Mai Mamombe.

Sangano reElephant Minds riri kuita zvirongwa zvekusimudzira vanhukadzi kumativi ose enyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey