Zvakakoshera World Population Day

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Zvakakoshera World Population Day

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
ZUVA guru reWorld Population Day rinove rekucherechedza huwandu hwevanhu pasi rose zvichienderana nebudiriro rinokosheswa zvikuru nesangano reUnited Nations.

Zuva iri rakatanga kucherechedzwa musi wa11 Chikunguru 1987 apo huwandu hwevanhu pasi rose hwakasvika pa5 bhiriyoni.

Sangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) rakaita kuti zuva iri rivepo nechinangwa chekuti pave nekucherechedzwa huwandu hwevanhu zvichifambirana nehurongwa hwebudiriro.

Gore roga-roga UNFPA inosarudza dingindira rakakodzera rekucherechedza naro zuva iri uye regore rino rinoti: “Kuronga mhuri: Kupa simba kuvanhu nekusimudzira nyika.”

Ikodzero yemunhu wose kuti ange achiwana mukana wekuronga mhuri. Kuronga mhuri kuri pamwongo wekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi pamwe nekupa masimba kuvanhukadzi.

Asi, munyika dzichiri kusimukira vanhukadzi vanosvika 242 miriyoni vanoda kudzivirira kubata pamuviri, havazi kushandisa nzira dzinotarisirwa dzisina njodzi uye dzinoshanda nemazvo.

Izvi zviri kukonzerwa nezvakasiyana zvinosanganisira kushaya ruzivo kana kushaikwa kwezvavanenge vachifanirwa kushandisa mukudzivirira kubata pamuviri.

Mamiriro ezvinhu akadai aya anoita kuti vatadze kuronga ramangwana ravo, remhuri dzavo pamwe neremunharaunda yavanogara.

Kushandisa nzira dzekuronga mhuri kwakakosha mukudzivirira kubata pamuviri pasina kurongeka, kudzikisa nyaya dzekubvisa pamuviri pamwe nendufu kuvanhukadzi.

Kudai vanhukadzi vose vari munyika dzichiri kusimukira vanoda zvekuronga mhuri vachikwanisa kushandisa nzira dzechizvino-zvino, izvi zvaiita kuti pave nekudzivirirwa kwekubviswa nhumbu dzisina kurongeka dzinosvika 35 miriyoni uye nendufu dzevanhukadzi 76 000 gore roga-roga.

Makondomu echirume neechidzimai, kana akashandiswa nemazvo, anodzivirira pamuviri pasina kurongeka pamwe nekutapurirwa zvirwere zvepabonde, kusanganisira uatchiona hweHIV.

Pasi rose, zvigozhero zvine chekuita nekuve nepamuviri pamwe nepakusununguka zviri pamberi mukukonzera ndufu kuvasikana vane makore 15 – 19 okuberekwa.

Vana vanoberekwa nevasikana ava vakatarisana nenjodzi huru yekufa kana zvichienzaniswa nevanozvarwa nemadzimai akura.

Asi zvakadaro, vanasikana ava vanosangana nematambudziko makukutu kuti vange vachiwana ruzivo pamusoro penzira dzekuronga mhuri.

Nyaya dzenhumbu kuvanasikana ava dzine chekuita zvakare nebudiriro. Pane zvakajeka uye zvinobatika zvinoburwa panyaya dzehupfumi zvinobva pakusimudzira nyaya dzekuronga mhuri.

Dhora rimwe chete rinoshandiswa muzvirongwa zvekuronga mhuri rinobatsira hurumende kuti ichengetedze mari iri pakati pe$2 ne$6. Nyaya dzekuronga mhuri dzinoita zvakare kuti nyika dzisimukire mune zvehupfumi kuburikidza nevanhu vakawanda vanenge vachishanda mabasa akasiyana.

Zvimwe zvezvikonzero zvinoita kuti vanhukadzi vasangane nematambuziko ekushaya nzira dzekurongesa mhuri zvinosanganisira kufamba nzendo ndefu kunotora zvakaita semapiritsi avanoshandisa.

Zvimwe zvikonzero ndezvinoti kurambidzwa nevadikani vavo pamwe nekushaya ruzivo rwakakwana. Sangano reUNFPA riri kubatana nemamwe masangano, machechi nemapoka akasiyana mukushanda nesimba kuitira kuti vanhukadzi vawane nzira dzekuronga nadzo mhuri zviri nyore.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey