Uncategorized

‘Zvava kutoda vanozvigona’

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
‘Zvava kutoda vanozvigona’

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti mhuri yekuOld Tafara, muHarare, iyo ine mukadzi anotorerwa chikafu nezvinhu zvaasingaone, inoda kubatsirwa.

“Mhuri iyi inofanirwa kushandirwa yose pasina anosara nekuti pane mhiko dzakaipa dzakaiswa pamusha apa izvo zvinogona kunge zvakasiiwa nababa vayo vakange vakaromba,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaPatrick Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni (41) vekuMt Darwin vachiti Mai Noah nemhuri yavo vanogona kunge vachishandiswa nezvikwambo.

“Dambudziko remhuri iyi rekuti amai vanotorerwa kudya mudumbu nekuitawo weti yechikafu vachiona varoyi masikati machena, uku mwana achigara akazvivharira mumba, zvinoda kuti vabatsirwe nevanogona.”

Madzibaba Enock vechechi yeJohane Masowe Nguwo Tsvuku Nyenyedzi Nomwe vekuBudiriro 4, muHarare, vanotiwo mhuri iyi inoda kushandirwa nenguva.

“Nyaya dzakadai hadzidi kuvarairwa, dzinoda kuti vanhu ava vabatsirwe nenguva uye nevanogona,” vanodari Madzibaba Enock.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey