‘Zvekuimba hazvisi kubhadhara’

27 Dec, 2023 - 11:12 0 Views
‘Zvekuimba hazvisi kubhadhara’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUMWE muimbi wemuHarare anoti haakwanise kuchengeta vana vake vatatu nekuti basa rekuimba harisi kumupa mari sezvo asiri kuwana mashoo ekunoridza.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Stancilous Rovani akadhonzerwa naVictoria Shonhiwa achida US$300 yekuchengeta vana vavo.

Asi Rovani anoti ari kuremerwa nekuchengeta vana nekuti haasi kuwana mashoo ekuridza nokudaro ave kuita basa rekutengesa “face powder” pamusika weMbare.

“Ndinokwanisa kumupa US$50, mari yekuchikoro ndinozobatsirawo apo neapo. Chinondirwadza ndechekuti haasi kuda kundipa mumwe mwana kuti ndigare naye iye osarawo nevaviri,” anodaro Rovani.

Shonhiwa anoti akambopa Rovani mumwe mwana asi akazomutorera nekuti aisabatwa zvakanaka.

“Muvakidzani wavo ndiye akatochaya nhare achiti nditore mwana nekuti anga asiri kubatwa zvakanaka,” anodaro.

Mutongi Ayanda Dhlamini akati Rovani abhadhare US$70 pamwedzi nekuendesa vana vake kuchikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey