Uncategorized

Zvekuita kana wabatwa chibharo

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Mildred Mashozhera

CHIBHARO zvinoreva kuti munhurume anenge aita bonde rekumanikidzira nemunhukadzi kana kuti asina kutenderana nazvo.Munhurume uyu anofanira kunge achiziva njodzi yekuti munhukadzi anenge asina kubvimirana nazvo kuti aite bonde naye.

Chinotariswa ndechekuti bonde rakaitwa here kwete kuti rakaitwa kusvika papi.

Zviratidzo zvechibharo zvinotariswa kumatare edzimhosva ndezvekuti hapana kutenderanwa pakuita bonde nekuti bonde racho rakaitwa here.

Zvinofanira kuzivikanwa kuti zviya zvekuti munhukadzi akarwisa here kana kuti ataridze umboo hwekuti haana kunge atenderana pakuitwa kwebonde, kushaikwa kweumboo hwakadai hazvireve kuti mhosva inobva yaraswa.

Dzimwe nguva, munhu anobata chibharo anoshandisa chisimba kana kutyisidzira achimanikidzira munhukadzi kuti ange achibvuma.

Kana munhurume akanyengedza munhukadzi pakuita naye bonde, kuita kwakadai hakutorwe sekuti vakatenderana.

Mushure mekubatwa chibharo, zvinokurudzirwa zvikuru kuti munhu atsvage rubatsiro kuchipatara kana kukiriniki mukati memaawa 72. Iri ndiro danho rekutanga rinofanirwa kutorwa nemunhu anenge abatwa chibharo.

Izvi zvinoitirwa kudzivirira kutapurirwa zvirwere zvepabonde, kusanganisira utachiona hweHIV pamwe nepamuviri pasina kurongeka. Anenge abatwa chibharo anopangwa mazano kuitira kuti asanyanye kushungurudzika mupfungwa.

Danho rechipiri kumhan’ara kumapurisa nekuchimbidza. Zvisinei, hapana nguva chaiwo inotarisirwa yekuti munhu anenge abatwa chibharo ange amhan’ara kumapurisa.

Zvinokurudzirwa kuti anenge abatwa chibharo aperekedzwe neshamwari kana kuti nehama kunomhan’ara kumapurisa.

Izvi zvinoitirwa kuti pave nemunhu anenge achimusimbisawo nekumunyaradza panguva yakadai. Kana paine umboo hwekubatwa chibharo hwakaita sehembe dzinenge dzabvarurwa, dzinofanirwa kuendwa nadzo kumapurisa.

Zvisinei, kushaikwa kweumboo hunoonekwa zvakaita sehembe dzakabvururwa hazvireve kuti nyaya yekubatwa chibharo inobva yaraswa. Zvakakosha kuti anenge abatwa chibharo akwanise kutondera zvose zvinenge zvakaitika, zvakaita sekuziva munhu anenge akamubata chibharo.

Zvisinei, dzimwe nguva panogona kuve nedambudziko kana munhu abatwa chibharo murima kana panguva yehusiku. Zvakadaro, zvinofanira kuzivikanwa kuti apo munhu anenge abata chibharo asina kushandisa dziviriro anogona kusiya umboo hwakaita sembeu yechirume, kuzvipatara hakuitwe ongororo yekuona kuti mbeu iyi ndeyani (DNA) pachena. Izvi zvinoitwa bedzi nezvipatara zvakazvimirira mushure mekunge pabhadharwa mari inosvika $500 uye Hurumende haibhadharire munhu anenge abatwa achibharo asi kuti anobhadhara oga.

Vamwe vanenge vabatwa chibharo vari kutora nguva refu vasati vamhan’ara nyaya dzakadai kumapurisa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Zvikonzero izvi zvinosanganisira kushungurudzika panyama nemupfungwa, mamiriro ehukama hwavo nemunhu anenge avabata chibharo kana kuti dzimwe nguva anenge ari mufundisi wake, baba vake, shamwarirume kana murume wake chaiye.

Vamwe vanotora nguva refu vasati vamhan’ara nyaya dzakadai nekuda kwemagariro pamwe nemamiriro ezvinhu munharaunda dzavo, kuchechi, kumabasa kana mumhuri sekuti anenge ari mukadzi akaroorwa kana kuti muroora.

Zvisinei nemamiriro ezvinhu, kubata chibharo imhosva huru nekudaro anenge aipara anofanirwa kutongwa zvisinei nekuti panenge papera nguva yakareba zvakadii.

PachiShona pane chirevo chinoti, “mhosva hairovi”. Anenge abatwa chibharo anofanira kumhan’ara nyaya iyi panguva ipi zvayo apo anenge azvipira kumira pamberi pedare, kuchitariswa kushungurudzikwa mupfungwa kunoenderana nenyaya dzakadai.

Izvo zvekuti munhu abata chibharo anobhadhara mari kana kuti ari kuda kupa mari kune waabata chibharo kana kuti kumhuri yake, hazvibvise mhosva yaanenge akapara.

Kunyangwe mari ikabhadharwa, munhu anogona kumhan’ara nyaya iyi oshandisa mari yacho seumboo hwekuda kuvhara mhosva.

Zvinokudzirwa kuti munhu asatambire mari yakadai kana kupinda muhurongwa hwekubhadharana nekuti izvi hazvigadzirise kukuvadzwa kunenge kwaitwa munhu anenge abatwa chibharo.

Kuita kwakadai kunosiya munhu anenge abatwa chibharo achishungurudzika mupfungwa nekutya zvakanyanya achiziva kuti akamubata chibharo ari kufamba akasununguka uye kuti anogona kumubata zvakare kana kubata mumwe munhu.

Svondo rinotevera tichitarisa zvinoitwa pakumhan’ara nyaya dzechibharo kumapurisa nemafambisirwo adzinoitwa kumatare edzimhosva.

Vanoda kubatsirwa mune zvemutemo munokwanisa kutishanyira pamahofisi edu ari panhamba 17 Fife Avenue, Harare kana kuridza nhare pamanhamba eHotline anoti 0782 900 900 ne0776 736 873. Toll free nhamba 08080131 kana kuti padandemutande rinoti [email protected] <mailto:[email protected]>

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey