Zvidhoma zvinounza hupfumi zvotambudza mhuri

06 Jan, 2024 - 10:01 0 Views
Zvidhoma zvinounza hupfumi zvotambudza mhuri Sadunhu Chigodora

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MHURI yekwaChigodora kwaMambo Zimunya, kwaMutare iri kukandirana makobvu nematete nemumwe wemumhuri iyi uyo ari kupomerwa mhosva yekuti akanotora zvidhoma kuChipinge makore adarika izvo zviri kukonzeresa matambudziko akasiyana-siyana.

Grace Rwanga pamwe neshamwari dzake dzisina kuzivikanwa, avo vanonzi akanotora navo zvidhoma izvi, vakanzi vabatane nevamwe vekwaRwanga vaende kun’anga kunobvunzira pamusoro penyaya iyi.

Nyaya iyi yakapinda mudare raSadunhu Chigodora nguva pfupi yadarika.

Mhuri yekwaRwanga inoti zvidhoma izvi ndizvo zviri kukonzeresa matambudziko anosanganisira rufu, hurwere pamwe nekushaya goho rinobatika.

Nekuda kweizvozvo, muzukurusikana waGrace ane makore 13 okuberekwa ari kuita seanobudirwa nemweya wechidhoma achitaura kuti anoda kuti zvidhoma izvi zvinge zvichibviswa paari.

Zvidhoma izvi zvinoti zviripo pakutsvaka mari uye kusimudzira hupfumi.

“Makanditora kuChipinge makore adarika, nemwanasikana wenyu Jane nemamwe madzimai maviri ekwaRwanga.

“Pawakanditenga, wakawanawo mheni kuti irove ani nani anokutadzira. Somugumisiro, vanhu vakawanda vakarohwa nemheni mumhuri yako. Tese tinoziva kuti ndiani ari kukonzeresa izvi. Mwanasikana wako Jane ari panhovo. Ndiani waunofunga kuti ari kukonzera kurwara kwake? Ndini,” unodaro mweya wechidhoma ichi.

Asi Grace akaramba mhosva yaaipomerwa.

“Ndine vana vapfumbamwe uye vose vakura. Handisati ndambopomerwa chakaipa, zviri kutaurwa nemwana uyu zvinokatyamadza. Ini handisi muroyi uye handina kumboenda kuChipinge.

“Nhema dziri pachena idzi dzandivhundutsa. Hongu, sezvaataura, mwanasikana wangu Jane pari zvino haasi kunzwa mushe.

“Zvinonzi akasangana nezvigozhero pakusununguka izvo zvinoita kuti itsvo dzake dzitadze kushanda zvakanaka. Ave nenguva asinganzwe zvakanaka, asi kuti akarohwa nemheni hazvina musoro,” anodaro Grace.

Zvisinei, izvi zvakabva zvawedzera hasha dzemwana anonzi aive akapoterwa nemweya echidhoma achibva ataura kuti anokwanisa kuuraya chembere iyi (Grace) pakerepo kana ikaramba zvairi kupomerwa.

“Usade kunditanga. Ndinokuuraya pakerepo kuti munhu wose azive chokwadi. Ndibvise pamusikana uyu. Isu tiri zvidhoma zvenyu asi muri kuramba kugamuchira chokwadi.

“Une shato zvekare kumba kwako. Tinogona kuendako tichibva pano nhasi tozvifumura. Ndinoziva pawakaiviga,”  unodaro mweya wechidhoma ichi.

Mweya wechidhoma uyu wakati zvekare Grace ndiye akauraya murume wake wekutanga newechipiri avo vose vaive vekwaRwanga.

Asi Grace akabuda pachena kuti murume wake  wekutanga akafa nechirwere cherurindi uye wechipiri akafa nechirwere chepabonde.

“Pakafa murume wangu wokutanga, vomhuri yake vakandipomera mhosva yokumuuraya uye takaenda kun’anga iyo yakandichenura pamhosva iyi. Mushure maizvozvo, mukoma wemurume wangu akandigara nhaka semudzimai wake.

“Iye akazofawo. Zvakaonekwa kuti aiva nechirwere chepabonde. Kunyanwe zvakadaro, vemhuri yake vakaramba vachingoti ndini ndaive ndamuuraya zvekare. Handizivi kuti sei vachindivenga kudaro, pamwe irombo rakaipa.

“Zvinondishungurudza uye ndinodawo rubatsiro. Ndingapomerwa sei mhosva yekuuraya vanhu avo mitumbi yavo yakaongororwa nanachiremba uye honzeri rufu ndokuziviswa?” anodaro Grace.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey