Zvidzidzo zveFomu 1 zvichatanga 9 Ndira

12 Nov, 2023 - 08:11 0 Views
Zvidzidzo zveFomu 1 zvichatanga 9 Ndira VaMoses Mhike

Kwayedza

Munyori weKwayedza

HURUMENDE, kuburikidza nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, inoti zvikoro zvebhodhingi zvichavhurwa nemusi wa9 Ndira 2024 kuvadzidzi veFomu 1.

Izvi zvakaziviswa nemunyori mukuru mubazi iri, VaMoses Mhike, kuburikidza negwaro rakaburitswa vachiti vakuru vezvikoro vese vanofanira kutevedza zvinodiwa panyaya yekuwaniswa kwenzvimbo dzeFomu 1.

“Sebazi, takazvipira kuwanisa dzidzo yemhando yepamusoro uye inowanikwa nenzira dziri nyore nemudzidzi wese muZimbabwe. Hakuna zvikoro zvebhodhingi zvinofanira kunyoresa vana bvunzo kuti vawaniswe nzvimbo,” vanodaro.

Vanoti nekuda kwekushomeka kwenzvimbo dzebhodhingi, vamwe vadzidzi vanokundikana kuwana nzvimbo vanokwanisa kuenda kuzvikoro zvisiri zvebhodhingi munharaunda dzavo.

VaTaungana Ndoro vanova director weCommunications and Advocacy kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari vanoti hakuna mitemo iri kusanduka mudzidzo nokudaro vabereki vese vanoda kuti vana vaende kubhodhingi vanofanira kunyoresa padandemutande kutanga nomusi wa1 Mbudzi kusvika 15 Ndira 2024.

Chirongwa chekunyoresa padandemutande chakatanga mugore ra2017 senzira yekuedza kupedza nyaya dzehuwori mukutsvagwa kwenzvimbo dzeFomu 1.

Vachabudirira kuwana nzvimbo idzi vachaziviswa nevakuru vezvikoro kuburikidza netsambanhare panobuda zvavakanyora pabvunzo dzeGrade 7 muna2023 gore rino risati rapera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey