Uncategorized

Zvikoro zvakasima miti 1500

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
CHIRONGWA chekusima miti muzvikoro nenharaunda dzakazvipoteredza, icho chiri kutsigirwa neFriends of the Environment (FOTE), iyo iri pasi peNyaradzo Group, yakabatana nebepanhau reKwayedza, chatekeshera kumativi mana enyika uye svondo rapera zvikoro zviri kuNorton neDarwendale zvakawaniswa nhondo dzemiti.

Zvikoro izvi ndezvinoti Maringove Primary School kuDarwendale, icho chakasima miti 800, neNorton Primary School apo pakasimwazve miti 750.

Zvimwe zvikoro zvakapoteredza zvakapihwawo miti yekunosima.

Zvikoro zvinoda kupinda muchirongwa ichi zvinongonyorera kuKwayedza kuti zvinoda miti yakawanda zvakadii.
Vachitaura paisimwa miti paMaringove, kanzura veWard 21 kunharaunda iyi VaEnock Chivambu, vakati munhu wose anofanira kutsigira chirongwa chekusima miti pamwe nekuichengetedza nedonzvo rekudzoreredza masango ayo ari kuparadzwa.

“Ichi chirongwa chinofadza chaizvo sezvo chichidzoreredza nharaunda pakare, payo chaipo. Zvakakosha kuti vana vekure vachiziva kusima miti pamwe nekuichengetedza kuti vazokurudzirawo vanotevera,” vakadaro VaChivambu.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaAugustine Mukaro vekuFOTE vakakurudzira vana vechikoro nevamwe veruzhinji kuti varambe vachitsigira chirongwa chekudyarwa kwemiti.

“Miti yatinosima iyi inoshanda mabasa akasiyana kusanganisira kugadziriswa mishonga. Mimwe mishonga yaishandiswa kurapa kare haichawanikwe nekuda kwekushaikwa kwemimwe miti yemuno yakakosha iyo yava kupedzwa kutemwa.

“Kune mimwewo miti yemichero zvakare yave kunetsa kuwana yakaita semitohwe iyo yava kudhura chero pakuitenga. Vana vechikoro dai vaitawo shungu dzekusima miti iyi kuti irambe iripo kuitira vachazouyawo shure kwavo vaone zviripo,” vakadaro.

Mukuru wechikoro paNorton 1 Primary School, VaNgonidzshe Nyoni, vakarumbidza chirongwa ichi vachiti ishuviro yavo yekuti chirambe chichienderera mberi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey