Zvimbokoma zvobaka paChi-town

17 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI vetsiva vari kusimukira vanotarisirwa kuwana mukana wekutaridza matarenda avo nguva inotevera apo vachakwikwidza mumutambo weChitungwiza Amateur Invitational Boxing Tournament uyo uri kurongwa nesangano reBoxAfrica rakabatana neChitungwiza Municipality.Mutambo uyu ndewekubatsira kusimudzira vatambi vari kusimukira uye uchaitwa musi wa25 Chikumi kuSt Mary’s Hall, kuChitungwiza.

Vatambi 60 kubva kumapurovhinzi akatsaukana enyika vanotarisirwa kukwikwidza mumutambo uyu.

Aka kachange kari kechipiri mutambo uyu uchiitwa uye gore radarika muna Mbudzi, zvikwata zvaisvika 30 zvakatatsurana mumakwishu aya.

Chamangwiza weBoxAfrica Boxing Promotions, Gilbert Munetsi, anoti mutambo uyu ndewekubatsira vatambi vechidiki vari kusimukira.

Sangano ravo, anodaro Munetsi, rine chishuwo chekusimudzira vatambi ava kuitira kuti vasvike pachidanho chave nedzimwe shasha dzetsiva dzakaita saCharles Manyuchi.

Anoti vakasarudza kuitira mutambo uyu kuChitungwiza sezvo kuriko kwakabva vatambi vakawanda vane mukurumbira vakaita saOtis Manyuchi, Arigoma Chiponda, Alexander Kwangwari naTakudzwa Kuchocha.

“Tsiva mutambo uri kusimukira parizvino, wakambenge wadzikira saka isu seBoxAfrica tiri kutora mukana uyu kubatsira vatambi vechidiki kuti vasimukire vave neramangwana rakanaka mumutambo uyu.

“Chinangwa chedu kuvaka Academy yedu iyo ichange ichibika vatambi vetsiva vakawanda. Vatambi vachadadisa mumakwikwi aya ndivo vevamwe vatichasarudza kuti vagopinda muAcademy yedu.

“Tikashanda navo zvakasimba tinovimba kuti mune ramangwana vatambi ava vanomirira nyika kumakwikwi akasiyana sezviri kuitwa naCharles Manyuchi,” anodaro Munetsi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey