Zvinodiwa pamusoro peLevel 2 lockdown

08 Feb, 2022 - 15:02 0 Views
Zvinodiwa pamusoro  peLevel 2 lockdown

Kwayedza

Munyori weKwayedza

KUNYEVENUTSWA kwakaitwa matanho ekurwisa chirwere cheCovid-19 svondo rapera pasi peLevel 2 National Lockdown, izvo zvakaona zvikoro zvichivhurwa nemusi weMuvhuro uno, kwakumikidzwa kuti kuve pamutemo.

Hurumende svondo rapera yakazivisa nezvekunyevenutswa kwematanho aya zvichitevera kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nedenda iri.

Nguva isingatenderwe vanhu kufamba yave kutanga na12 dzehusiku kusvika na5:30 mangwanani apo mabhawa, nzvimbo dzekutandarira nedzinotengeswa zvekudya zvave kuvhurwa kusvika na10 husiku, asi kune makasitoma akabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 zvizere bedzi uye vanofanirwa kuratidza magwaro ane umboo hwekuti vakabaiwa.

Zvisinei nekunyevenutswa kwematanho ekurwisa denda iri, veruzhinji vanokurudzirwa kuti varambe vachipfeka mamasiki avo nemazvo, kushandisa sanitizer kana kugeza maoko nemvura ine sipo uye kusaita chitsokotsoko.

Pasi pemutemo wakakumikidzwa uyu, zvikoro zvinosungirwa kutevedzera matanho ose akatarwa ekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzoka munyika kubva kunze pamwe nevashanyi havachachengetwa kunzvimbo dzavo voga vachiongororwa chirwere ichi pavanopinda muno – asi sevamwe vose vanenge vachipinda munyika – vanofanirwa kuve neumboo hunoratidza kuti vakavhenekwa Covid-19 (PCR test) mukati memaawa 48 vasati vapinda muZimbabwe.

“Vashanyi vasingaratidze kuti vakavhenekwa ndokuonekwa vasina chirwere ichi uye gwaro rinoratidza izvi havatenderwe kupinda muZimbabwe uye zvizvarwa zvemuZimbabwe vanenge vachidzoka vasina umboo hwekuti vakavhenekwa ndokuonekwa vasina Covid-19 vachambogariswa kunzvimbo dzavo voga vachizvibhadharira mari kwemazuva gumi apo vanenge vaonekwa vaine chirwere ichi vachapatsanurwa kubva kune vamwe sezvinodiwa pasi pemutemo,” rinodaro gwaro rinozivisa nezvemutemo uyu.

Vashandi vose pari zvino vave kutenderwa kudzokera kumabasa pamwe nekushanda zvakazara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey