Uncategorized

Zvinorehwa ne’Level 2 lockdown’

07 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
Zvinorehwa ne’Level 2 lockdown’ President Mnangagwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nhasi vazivisa nezvekunyevenutswa kwematanho ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kubva paLevel 4 kuenda paLevel 2.

Vanoti izvi zvinotevera budiriro yaitwa mukuedza kumisa kupararira kwedenda iri munyika muno.
Izvi zvaita kuti nguva dzekuvhurwa nekuvharwa kwemabhizimisi dziwedzerwa.

President Mnangagwa vanoti mabhizimisi achavhura kubva na8 dzemangwanani kusvika 7 dzemanheru uye nguva isingatenderwe vanhu kufamba (curfew) yava kutanga na10 dzemanheru kusvika na5:30 dzemangwanani.
Pasi peLevel 4, vemabhizimisi vaivhura na8 mangwanani kusvika 3:30 masikati uye nguva yaive isingatenderwe vanhu kufamba yaitanga na6 manheru kusvika 6 mangwanani.

Mabhazi anofamba pakati pemadhorobha ave kutenderwa kufamba apo zvitoro zvinotengesa doro nezvimwe zvinwiwa zvichatengesa kune vanhu vasingarinwire panzvimbo idzi kubva na10 mangwanani kusvika na4 masikati.
Asi mabhawa acharamba akavharwa.

Mumabasa, vashandi pari zvino vave kutenderwa chikamu che50 percent kusiyana nakare apo paitenderwa vashoma kudarika apa nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19.

Vanhu vava kutenderwa kuungana havafanirwe kudarika 100 asi vanofanirwa kutevedza matanho ose ekudzivirira kutapurirana Covid-19 sekupfeka mamasiki nemazvo uye vasina kuita chitsokotsoko.

Matanho matsva aya achange aripo kwemasvondo maviri anotevera.
Kunyevenutswa kwematanho aya kunotevera kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa pamwe nevari kufa.

Hurumende ine zvirongwa zvakasimbarara zvairi kuita yakabatana nemamwe mapoka mukurwisa denda iri.
Kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 125 671 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe kubvira pakanyuka denda iri munaKurume gore rapera.
Pavarwere ava, 117 036 vakatopona asi vamwe 4 493 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 2 729 955 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere ichi apo 1 728 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey