Zvinoshamisa vanasikana kuve zvikara

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

cathrineIYI nhau yakandisiya ndakaoma mate mukanwa nekuti handainge ndakambonzwa zvakadai.

Ndaive ndiri kumba pakati pesvondo apo ndakanzwa zhowe-zhowe kugedhi. Painge pakamira vasikana vaviri mumwe wacho ndiye aidaidzira mumwe achidaira chimhukutira. Sezvo ndaive ndigere pavharanda ndakanzwa mavhu nemarara.

Vasikana ava mumwe ainzi Rumbi mumwe Carol. Carol ndiye aipopota kudya magaka mambishi chaiwo. Nhau yaive yezvikomba uye aive atokwira makombi kubva kumaAvenues, muguta reHarare.

Ngatinzwei Carol achitaura: “Rumbi haungandidaro iwe wakabva kumusha usina pekugara ndikagara newe. Waive usina kana hembe dzekuendesa kubasa ndini ndaikupa. Nhasi ndozvawandiita izvi une chokwadi kuti wakataura nemukomana wangu uchimudza kuti ndine vana vatatu? Iyi yanga isiri nyaya yako, tete vangu vanga vachigadzirira kuzotaurira mukomana wangu kana adzoka muZimbabwe kuti ndakambenge ndakaroorwa. AAA shuwa wandigura kunorira wandidhisitiroya, mukomana wangu ango texta kuti iwe usarambe vana vako. Ndashaya kuti zvabva nepi akati bvunza Rumbi. Rumbi une shuwa waona ndabata mhene yangu uye ndava kuda kukandwa mukicheni iwe wopunza, chindiudza kuti mukomana wangu wakamuudza kuti chii?”

Zvakadairwa naRumbi handina kuzvinzwa. Carol akaita hasha akati, “Kubva chindipa foni yako ndione zvawaitaura nemukomana wangu.” Asi shasha yakaramba.

Carol akarusimudzira. “Wainge wava kutaurira mukomana wangu nezvenhumbu yandiinayo zvanga zviinei naye?

Inhumbu yake? Iwe Rumbi inhumbu ngani dzatakabvisa saka iyi ingazondinetsa chii?

Haa Rumbi unoroya wakanganwa kuti kana tirauzi rekuendesa kubasa husiku wakanga usina, chose chawaipfeka ndini asi wanditema nerakagomara.

Koi we une mwana mumwe chete nhamo yedu ingafanane here? Unoziva chinodyiwa nevana vangu chero vachigara nababa vavo ndini.

Kuti Ray apfeke shoti nesikipa ndini. Unoziva baba vevana vangu basa rakapera saka zvose zvevana ndini woona ndave kuda kugara mushe iwe wopunza. Unoziva TV chaiyo vana vangu vanga vasingaone ndini ndakatenga ndikaendesa. Iwe mwana wako ari kumusha kuna amai vako zviri nani. Hausi shamwari chokwadi dai hangu ndisina kukubatsira gore rawatanga basa redu rechipfambi iri.”

Zvose zvaitaurwa naRumbi hazvainzwikwa. Asi chakandishamisa ndechekuti vasikana ava vaitengesa miviri yavo. Vairara vasina dziviriro pakusvika kubata mimba idzo vaizobvisa. Ko kungogara munhu washandisa hako makondomu zvinei?

Sangano reNational AIDS Council rakazivisa kuti utachiona hweHIV huri pa46% muvanhu vanotengesa miviri. Chikamu ichi chakakura zvikuru kutoda kusvika pakati nepakati pa50%.

“Vanotengesa miviri vane utachiona huri pa46%, zvirwere zvepabonde zviri kutungidzwa uye kwaMachipisa kuHighfield, muHarare utachiona huri

kubhebha,” vakadaro Provincial Aids Co-ordinator vemuHarare VaAdonija Muzondiwona nguva pfupi yadarika.

Nemafambiro ari kuita vasikana vaviri aya handione ramangwana rakajeka. Handizivi kuti Rumbi kuzivisa chikomba chasahwira rwaive rudo rwekuchengetedza mukomana uyu here kana kuti yaive shaisano.

Zvisinei, Carol akaoneka akati Rumbi aifanira kuziva kuti akambomureverera kune chikomba chake.

“Ziva kuti ndakambokurevera paya Ronald paakabvunza kuti uri kumutamba une mumwe mukomana anonzi Simon asi ini ndakati inhema Simon ndewematongo. Ndakakununura nanhasi Ronald haazive kuti utori zvako pfambi. Handikutengese, Mwari wedenga achakuranga.

Wakaita hako wakandidhisitiroya. Iyi nhumbu haina kana nebasa svondo rinouya ndinenge ndisisina saka upenyu ibhora,” akadaro.

Ini semubereki ndakabatikana ndikanetseka.

Vanasikana kana vada kupanduka ngavarege kuita mimba nekuti kuzouraya tusvava tusina kuona zuva chivi. Handione chiedza muhupenyu hwevaviri ava.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey