Zvitupa zvotorwa pachena 

20 Apr, 2022 - 16:04 0 Views
Zvitupa zvotorwa pachena  Vagari vekuBudiriro muguta reHarare vachitora zvitupa nemagwaro ekuzvarwa pasi pechirongwa cheNational Registration Blitz. - Mufananidzo naInnocent Makawa

Kwayedza

Africa Moyo

MAGWARO akakosha sezvitupa, ekuzvarwa pamwe neevanhu vanenge vafa uye michiso yemombe ari kupihwa pachena pasi pechirongwa chiri kuitwa pari zvino kumativi ose enyika cheNational Registration Blitz.

Danho iri rinotevera kupindira kwakaita mutungamiriri wenyika President Mnangagwa mushure mekunge veruzhinji vakumbira kuti magwaro aya awanikwe pachena.

Nzira dzekuti vanhu vakwanise kutora magwaro aya dzakanyevenutswa zvakare nechinangwa chekuti veruzhinji varerukirwe pakuatora.

President Mnangagwa vakazivisa nezvedanho iri nemusi weMuvhuro uno pamhemberero dzekuwana kweZimbabwe kuzvitonga kuzere kuBarbourfields Stadium kuBulawayo.

Bazi rinoona nezvinoitika mukati menyika, kuburikidza nechikamu cheCivil Registry Department, riri kuita chirongwa chekuwanisa veruzhinji magwaro akakosha kubvira nemusi wa1 Kubvumbi kusvika 30 Gunyana uye izvi zvinotevera kuwanda kwevanhu vasina kukwanisa kutora magwaro aya nekuda kwekunyuka kwechirwere cheCovid-19 izvo zvakaona mahofisi eCivil Registry Department achimbovharwa kwenguva yakareba panguva yelockdown.

President Mnangagwa vanoti: “Civil Registry Department pari zvino iri kuita chirongwa munyika yose chekufamba vachitoresa vanhu magwaro ekuzvarwa nezvitupa. SeHurumende inoterera zvido zveveruzhinji, zvimhingamipinyi zvakaonekwa kubvira pakatanga chirongwa ichi zviri kugadziriswa, kusanganisira kubviswa kwemari inofanirwa kubhadharwa nezvimwe zvinokanganisa kuti vanhu vatore magwaro aya zviri nyore.”

Gurukota rezvinoitika mukati menyika, Cde Kazembe Kazembe, vanoti dare reCabinet rakabvumirana kuti mari inofanirwa kubhadharwa pakutora zvitupa nemagwaro ekuzvarwa isabviswe kuitira kuti munhu wose ave nemagwaro akakosha aya.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vatore mukana wechirongwa ichi nekutora magwaro aya. Chirongwa ichi chine chinangwa chekutoresa magwaro vanhu vanosvika 2 miriyoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey