Uncategorized

Zvivanhu zvipfupi zvabhebha

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
Zvivanhu zvipfupi zvabhebha ROBERT Ngwanda

Kwayedza

ROBERT Ngwanda

ROBERT Ngwanda

DAMBUDZIKO remhuri iya inoti iri kugara ichioneswa chitsvuku nezvinhu zvinofungidzirwa kuti zvidhoma kupurazi reMimosa, kuMarondera, ratokwidza makata sezvo zvichinzi “zvinhu” izvi zvamuka chibhebhenenga zvichipa mhuri iyi mhosva yekuzvifumura muKwayedza.

Izvi zvinotevera nyaya yakabuda mubepanhau rino nguva pfupi yadarika, yaRobert Ngwanda (25) nemudzimai wake, Vimbiso Chanakira (20), avo vanoti vanoshanyirwa nezvivanhu zvipfupi nezvidhoma izvo zvinonzi zviri kutumirwa nevanhu vari kuda kutora munda wavo.

Ngwanda akabuda pachena kuti akarwisana nezvinhu izvi kwemazuva matatu akazoguma akuvara gumbo.

Pakashanyirwa nzvimbo iyi nguva yadarika, Chanakira airwara zvichitevera kurohwa kwaanoti akaitwa nezvidhoma izvi uye vari kutonamatirwa nemaporofita.

Dambudziko remhuri iyi rinonzi rakatanga mumwedzi waMbudzi gore rino apo Chanakira akatanga kuona zvivanhu zvipfupi zvaimushevedza zita rake zvichiti aende kwazviri.

Zvichitevera kubuda kwakaita dambudziko remhuri iyi mubepanhau rino, vanoti varoyi kana kuti zvinhu zvisinganzwisisike izvi zviri kuvafurufusha zvichiti “makatifumura”.

“Pakangobuda chete nyaya yedu mubepanhau, varoyi ava vave kutoita bira ravo usiku hwega-hwega. Vanouya vaine huwandu hunotangira pavashanu zvichienda mberi. Vanototaura zvatinonzwa kuti ‘muchaona moto, kutiburitsa mupepa isu?”’ akadaro Ngwanda.

Anoti sezvo mukadzi wake aine pamuviri, varoyi ava vari kuti vanoda kudya mwana wavo ari mudumbu.

“Mukadzi wangu handina kumubvisira pfuma, ndave kutya kuti anogona kuuraiwa ndikawana mhosva kumadzitezvara ndikamuramwirwa. Zuva roga-roga muporofita weJohane Masowe yeChishanu, Madzibaba Amido, vanouya kuzonamata uye izvi zvave kuita kuti varoyi ava vatadze kupinda mumba nezvinhu zvavo. Iye zvino vave kumira pamusiwo asi vanoshevedzera kuti vachatikunda chete,” akadaro Ngwanda.

Mumwe mwana wepamusha uyu, uyo anova munin’ina waNgwanda, Digital Ngwanda, anonzi akatiza pamba nekuda kweminana iyi.

“Tinorara masikati kwete usiku, panobva varoyi kuma4 nekuma5 kunze kwoedza ndipo patinokotsira. Kana basa chairo remuminda hatichakwanisa kuita, vebereki vedu vakafa asi vakuru vari kumusha takavataurira asi havasi kuuya kuzotibatsira,” akadaro.

Sabhuku wenzvimbo iyi, VaDavid Mambozoukuni, vanoti nyaya iyi iri kunetsa kugadzirisa nekuti ine chekuita nehuroyi.

“Nyaya iyi inonetsa nekuti handikwanise kutandanisa vanhu vanofungirwa kuti ndivo vari kuita izvi ndichivati varoyi nekuda kwemutemo ,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey