Uncategorized

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABWE –

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABWE – Shumba

Kwayedza

Juliet Sharon Tom SHUMBA
(Isilwane/Lion)

SHUMBA imhuka inozivikanwa zvikuru muZimbabwe nekuda kwekuyevedza, kutyisa uye nesimba rainaro. Izvi ndizvo zvinoita kuti shumba ipihwe zita remadunhurirwa rekuti “mambo wemudondo/”king of the jungle”.

Shumba rume (mukono) inogona kureba kusvika 1.2m pamakumbo ekumberi ichirema kudarika 200 kgs. Hadzi dzacho iduku zvishoma kune shumba hono, dzichirema chipo che130 kgs.

Shumba dzinoita ruvara rwakangosiyana, asi zhinji dzacho dzine kahupfumbu kakada kutsvukuruka (yellow-brown) dziine dumbu rakachenuruka. Kana ichiri chimwana (handa), shumba inoita tumadoo twakasviba uye shumba hadzi dzinowanzoramba dziine tumavara utwu padumbu kunyangwe dzakura.

Muswe weshumba une ruvara rwakangofanana nemuviri wayo, kungoti kwekupedzisira kwawo kwakasvibira.

Shumba hono inoita mvere refu – kazhinji kacho dzakasvibirira – kubva muhuro dzichisvika mumusoro nekumativi kwechiso.

Kana dzanyatsokura, hono dzacho dzinoyevedza sezvo mvere refu idzi dzinenge dzanyatsosvibira uye dzasimba kuitira kudzivirira shumba pakurwa. Pane dzimwe nguva, mvere idzi dzinotonyatsoita nhema paruvara.

Mukono weshumba ukadzvova, inonzwikwa chinhambwe che8km. Shumba hadzi ndidzo dzinonyanya kuvhima uye izvi zvinowanzoitika nguva dzerubvunzavaeni (zuva rovira) kusvika mambakwedza (zuva ronobuda). Mikono ndiyo inochengetedza dunhu radzo nekuchengetedza chikwata cheshumba (pride).

Shumba imhuka dzinofarira manheru (nocturnal) uye kana dzovhima dzinoita mushandirapamwe pakuhwandira nekubata mhuka – kunyanya huru dzinosanganisira mbizi (zebra), ngongoni (wildebeest), nyati (buffalo), sable (ngwarati) kana twiza/furiramudenga (giraffe).

Shumba dzinowanzoda kugara nzvimbo ine huswa hurefu nezvimhiti – kazhinji kacho zvimakwenzi – izvo zvinoipa mukana wakanaka wekunyangira ichifamba nedumbu pakuvhima mhuka.

Shumba hadzi inoita mazuva 110 iine mawuta (mimba) apo inozobara handa (vana) nhatu kana ina. Handa idzi dziri panjodzi yekuuraiwa nezvimwe zvikara zvesango semapere (hyena), mbada (leopard), makava (jackal) kana kuti nedzimwe shumba hono dzinoita zvekuuya.

Vana veshumba vanotanga kuvhima vave nechipo chegore vabarwa asi vanoramba vaina amai vavo kwemakore maviri.

Kana iri mudondo, shumba inogona kurarama kwemakore 13 kusvika 15 asi inokwanisa kusvitsa makore 30 kana ichipfuiwa.

Kunze kwekunge yakanganiswa, shumba hadzinyanye kurwisa vanhu asi zvakakosha kuziva zvimwe zviratidzo zvemhuka iyi kana yagumbuka: inovhumbama dumbu richiita serichaguma pasi; inorarisa nzeve ichihon’a – kazhinji kacho mazino ari pachena – apo inopinimidza muswe uchienda kumativi.

Shumba dzinozivikanwa nekurasikira kumisha inogara vanhu – kunyanya kumaruwa — uye zvinokurudzirwa kuti kana izvi zvangoitika, veruzhinji vanofanirwa kuzivisa bazi reZimparks kana mapurisa ari pedyo nekukasika.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino: Stuart’s Field Guide to Mammals of Southern Africa.

Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey