Uncategorized

Chosiya huyo, chokuya nei?

02 Apr, 2015 - 20:04 0 Views

Kwayedza

VAMWE vakasadaro kuti “chosiya huyo, chokuya nei”, vanotaura dimikira rinozivikanwa navazhinji: “Mbudzi kudya mufenje hufana nyina”.
Musi wa31 Kurume, icho Chipiri chadarika ichi, pepanhau reSouthern Eye rakabuda riine zimusorobhangu chairo: “SEE YOU LATER” (Toonana nguva iri kutevera/Sizabonana).

Kana usati waziva kuti pasi pomusuva wesadza panga pane chii, unofunga kuti veSouthern Eye vakafunga kuti 31 Kurume ndi1 Kubvumbi, zuva rinonzi navamwe “April Fools Day.”

Asi kwete. Iyi itoonana kana kuti waziva kwake waziva kwake yechokwadi.
Vanonyora kanyaya kadiki-diki kanotsanangura kuti vakaonana havashayane.

Zvanzi: “To our valued readers and advertisers: Starting tomorrow, Southern Eye will be incorporated in NewsDay as part of the remodeling of Alpha Media Holdings business strategy . . .” Pasi pomusoro uyu unoonawo mifananidzo yemamwe mapepa avakambotsikisa makore matatu apfuura, mapepa mana aunoona kuti haana kungoitwa zvokunhongwa chete, asi kuti paive nechinangwa.

Uyewo mapepa anoburitsa pachena chinangwa cheSouthern Eye namamwe mapepa anofura (gara zviya aifura) pamwe chete naro. Rokutanga rina: “Polls: Obama puts heat on Mugabe.”

Pasi pane mufananidzo waFather Zimbabwe nemusoro unoti, “Zanu-PF, family tussle over Nkomo legacy.”
Ukaenda kurudyi kuna: “Mandela tribute edition”; “World awaits Madiba funeral.”
Mamwe maviri igaroziva nokuti ane munhu wavanyora vanyorazve – mutungamiri wenyika.

Pavakaona Morgan Tsvangirai atadza kutengesa pepanhau ravo, VaMugabe, mhuri yavo neZanu-PF zvakabva zvanzi zvitsive Tsvangirai neMDC munhau dzinonyorwa nemapepa aya.

Rimwe rinoti, “Mugabe on the ropes”; “Zanu-PF poll unfolds;” kwouyawo rinoti: “Mugabe birthday fiasco: Ticket scandal rocks Bob 90;” “Tsvangirai targets Bulawayo;” “Police terror in Tsholotsho.”

Kuzviyanika uku, nokuti iwaya mapepa akasarudzwa kuudza vaverengi kuti “toonana”, anoburitsa zvinangwa zvebepa. Matatu anongove, Mugabe, Mugabe, Mugabe chete. Kurinyora zita iri siku nesikati nokuti ikodzero yenyu, asi hazvina kuisa chouviri muhomwe.

Ndosaka ndatanga ndichiti chosiya huyo chokuya nei? Mapepanhau anozviti akazvimirira akafunga kuti kutevedzera mutungamiri weMDC-T, VaTsvangirai aifunga kuti kungoti koso, ndiMugabe, kungodai, ndiMugabe, zvinovasvitsa kuState House. Nhasi vagara mudhishi!
Kunge munhu arohwa nezvivanda, nokuti kana wave kusvipwa nevaikushandisa, unoita rangamutai chairo.

Dai mashoko aiisa munhu pachigaro kana kubvisa munhu pachigaro dai zvakaitika kare kare. Panze pokutora mukana uyu kuti nyika yobudirira sei zvisinei kuti ari kutonga munomufarira here kana kuti kwete, vanhu vanoramba vakazvisunga mbiradzakondo nezita rinonzi Mugabe kana bato ravo reZanu-PF.

Hongu chimiro choupfumi hachina kuswatuka, asi imi makamira-mirawo papi musati mati: “SEE YOU LATER?”
Makabatsira papi kuti upfumi hwenyika humire zvakanaka?

Kana uri chizvarwa nemugari weZimbabwe chinotadzisa kuti veduwe tarasa gwara, tinoda kudya tichiguta uyewo tinoda kurarama zvakanaka, saka ngatiisei misoro pamwe tibude neZimbabwe yatinoda tese chii?

Makurutose anosvitsa kuna taisireva. Hundingoveni hunopedzisira vanhu vooneka vachiti: “SEE YOU LATER”, asi vasina chokwadi chokuti vavaoneka vachazoonana navo zvakare here. Nokuti upenyu rwendo. Mungaende pamichina younyanzvi yamazuva ano, asi rwendo. Vashoma vati vave noruzivo rwakadzama nazvo izvi, kunyanya pabhizinesi. Saka, kumira panzvimbo imwe chete.

Makasvipwa nevaverengika?
Toonana!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey