Apisira mudzimai wake mumba

23 Apr, 2024 - 16:04 0 Views
Apisira mudzimai wake mumba Apisira mukadzi mumba

Kwayedza

Quiton Rusero

MURUME wekuDomboshava akapisa mudzimai wake nemoto izvo zvakazokonzera rufu rwake mushure mekunge vanetsana nenyaya yekugovana midziyo yewanano apo vakarambana.

Ashely Kabaya akatarisana nemhosva yekuponda mushure mekufa kwaSpiwe Jenyure nekuda kwekukuvara kwaakaita apo akamupisa.

Dare ranzwa kuti nyaya iyi yakaitika nomusi wa15 Kubvumbi apo vaviri ava vakafunga kugovana midziyo yavo yewanano mushure mekunge varambana.

Kabaya anonzi akakiya gonhi nemukati achibva atanga kurwisa Jenyure achimurova negolf tsick.

Anonzi akaenderera mberi nekunyorovesa muviri wake nemusanganiswa wekobhura neparafini achibva amutungidza nemoto.

Jenyure panguva iyo aipiswa, akaramba akabata Kabaya zvakaita kuti atsvewo zvakanyanya uye pari zvino ari muchipatara.

Mudzimai uyu akachema achida kubatsirwa apo mumwe munhu aipfuura nenzira akanzwa ruzha achibva apwanya gonhi ndokuedza kudzima moto wacho nerubatsiro rwevamwe vemunharaunda iyi avo vakange vaungana.

Vaviri ava vakabva vamhanyiswa kuchipatara cheMakumbe Hospital chiri ikoko kuDomboshava asi nekuda kwekukuvara kwakanyanya kwavainge vakaita, vakazodarikidzwa kuParirenyatwa Groups of Hospitals.

Jenyure akashaya neChitatu chapfuura ari muchipatara ichi.

Pari zvino Kabaya ari kupora kubva mukutsva kwaakaita apo akatarisana nemhosva yekuponda.

Share This:

Sponsored Links