Maporofita orwira tsvimbo yehukuru

24 Apr, 2024 - 12:04 0 Views
Maporofita orwira tsvimbo yehukuru Sowe rekurwirwa tsvimbo yehukuru

Kwayedza

Kingstone Mapupu

YAKAVE bata murefu, bata mupfupi pasowe reJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe Jerusarema inonzi yekwaMicho riri kuParadise, kuHighfield, muHarare, apo maporofita anonzi akapotsa abandana kurwa vachipopotedzerana tsvimbo yehukuru.

Sowe iri rinonziwo Nguwo Tsvuku rinowanikwa pakati pemusha weParadise, kuHighfield neGlen Norah C Extension apo vanamati vechechi iyi vaiva vapedza mazuva matatu vachinamata pachida kugashidzwa mumwe muporofita tsvimbo yehutungamiri.

Zvinonzi zvinhu hazvina kuzofamba zvakanaka apo mamwe maporofita vakapokana nekuda kwemuporofita aida kupihwa tsvimbo yehutungamiri vachiti aisakodzera.

Muporofita uyu zvinonzi ainzi aita “mutete” panyaya dzemweya zvikazoita kuti vanamati ava vaite bararamhanya votiza pasowe apa pava kuda kupotseranwa zvibhakera.

Mukuru wesowe iri, Madzimai Maria, avo zita ravo chairo vanonzi Loveness Chakavarika (49), vanotsinhira nyaya yemhirizhonga iyi.

“Ichokwadi, pasowe redu pakaitika kusagadzikana kwezvinhu nguva pfupi yakadarika pataiva nemisi mitatu tichinamata takasangana nemamwe maporofita. Muenzi wedu mukuru vaiva Madzibaba Gracience vekuDomboshava. Taiva takaungana kubva musi weChitatu kusvika Mugovera apo paida kuzogashidzwa tsvimbo mbiri dzehutungamiri kune mumwe wemaporofita echirume muchechi medu uyo aizobatsirana neni mubasa raMwari,” vanodaro Madzimai Maria.

Tsvimbo yehukuru yakakonzera bongozozo pamasowe – Mifananidzo naCharles Muchakagara

Vanoti mangwanani emusi weMugovera kuma3, Madzibaba Gracience vakazotora tsvimbo mbiri dzinoyera ndokudziberekesa kuna Madzibaba Munyaradzi kuratidza kuti ndiye aifanirwa kutungamirira sowe iri.

“Madzibaba Munyaradzi vaberekeswa tsvimbo dzinoyera idzi vakasvetuka zvoto nadzo kuchiimbwa. Zvadaro, kune vanonzi Madzibaba Asherby nemamwe maporofita vakatanga kupokana nazvo vachiti Madzibaba Munyaradzi aiva mutete pamweya nekudaro aisakodzera kuva mutungamiri pasowe apa uye aremedzwa. Kwakaita kupopotedzana pakati pevaporofita nevamwe vanamati kusvikira tsvimbo mbiri idzi dzaiva dzakasunganidzwa dzakabviswa kumusana kwaMadzibaba Munyaradzi,” vanodaro Madzimai Maria.

Vanoti vanhu vakazoparara pasowe apa pasina kuwirirana uye pakazouya vakabvarura mireza yavo, kutyora mapango nekupwanya mbiya nemakate.

“Nekuda kwenyaya yetsvimbo dzehutungamiri idzi, kune vanhu vakazouya nehusiku vakaparadza sowe, kubvarura mireza nekupunzira pasi mapango acho nekupwanya mbiya nemakate pakaiswa mbiya dzaiva nemiteuro yerufu yaiva nemazai netsono nezvimwe. Chipiyaniso chematombo chakaparadzwawo nekuda kwenyaya dzekurwira tsvimbo idzi. Pava kutotyisa pasowe pano,” vanodaro Madzimai Maria.

Vanoti Madzibaba Gracience vakazodzokera kuDomboshava nyaya iyi isina kugadzirika.

Kwayedza payakasvika pasowe iri yakaona machira emireza akabvarurwa uyewo makate nembiya zvakapwanyiwa, mapango akatyorwa nematombo akakandwa pose-pose.

Madzibaba Bylodge

Madzibaba Bylodge, Evans Matongo (25), vaiva pachiitiko ichi vanoti zvinhu zvaiva zvisina kumira zvakanaka pasowe iri musi uyu.

“Nyaya yetsvimbo dzehutungamiri idzi nanhasi haisati yapera. Vanhu vari kutya kuuya kuchechi sezvo paine kuvhundutsirana nekuda kuurayana nekurwisana,” vanodaro Madzibaba Bylodge.

Madzibaba George Sibanda (21) vaivapowo pachiitiko ichi vanoti zvinhu zvaiva zvakaita manyama amire nerongo.

“Ichokwadi pakaitika zvinhu zvakaomarara maporofita aiva akabatwa nemweya vachida kurwa nekuda kwetsvimbo dzehutungamiri idzi kuchinzi dzapihwa kumunhu asingakodzere. Tsvimbo idzi kusvika nanhasi hadzina munhu akadzipihwa uyewo pachechi pari kutyisa kusvika, mamwe maporofita vakatovhura avo masowe matsva kumwe,” vanodaro Madzibaba George.

Makate akapwanyiwa

Madzimai Pamella vepasowe iri vakasvika vatori venhau vachitaura naMadzimai Maria nevamwe ndokuvhundutsira vanhu ava vachiti vaizozviona nemumwe muporofita ari munyaya iyi wavakati anotamba karate.

“Imi Madzibaba Bylodge mazvipira here munyaya iyi, inga munomuziva wani kuti anotamba karate, munozokwanisa here kumira naye muzvibhakera?” anodaro mudzimai uyu.

Madzibaba Bylodge vakazopindura vachiti vaisava nenguva yekurwisana nevanhu.

“Hamheno kana vakauya vachiti tazvitaurire chii, hatina nguva yekurwisana nevanhu,” vanodaro Madzibaba Bylodge.

Madzibaba Munyaradzi Jena (20) vakazotaurwa navo panhare vakatsinhira kusagadzikana kwezvinhu pasowe iri zvavanoti zvakakonzera kutukana kwemaporofita nekupotsa vanhu vakandana zvibhakera nekuda kwenyaya yetsvimbo yehukuru.

“Ini ndakagara ndisingade kupihwa tsvimbo idzi nekuda kwezvikonzero nekuti ndakamboda kupihwa tsvimbo yehukuru iyi kare naMadzibaba Gracience taenda kuDomboshava ndikazviramba. Ndakambotadza kuwirirana nemumwe mukuru aivapo pasowe iri sezvo ndakazouya sowe iri ravapo. Kubva musi wakaitika mhirizhonga iyi handisati ndambodzokera pasowe iri, ndava kunamata kune rangu idzva kuMatangi kuEgypt nekuti mweya mutsvene haudi mhirizhonga, mamwe maporofita vakambobatana pahuro nazvo izvi,” vanodaro Madzibaba Munyaradzi.

Madzibaba Gracience pavakaedza kutaurwa navo panhare vakati vaizoridza nhare voga kuti vataure nevatori venhau nekuda kwenyaya iyi sezvo kwavaiva kwaiva kusina masaisai akanaka, izvo vasina kuzoita.

Tafadzwa Garaiza (24) anoita basa rekuunganidza mapurasitiki padyo nesowe iri achitengesa anoti akaona maporofita aya achisandudzirana vachida kurwa nekutukana nekuda kwetsvimbo yehukuru.

“Ndakazvionera maporofita aya achida kurwira tsvimbo yehukuru mangwanani. Vakazoparara vachipopotedzana tikazoona pasowe iri paiswa mbiya yaiva nemazai netsono mireza yose ikabvarurwa, mbiya nemakate zvakapwanyiwa nehoko nemapakatwa zvikadzurwa. Hapasi kunamatwa apa, pari kunhuhwa ropa,” anodaro Garaiza.

Share This:

Sponsored Links