Kwayedza
Mudzimai akaunganirwa nevanhu uyu angotanga kuzvikanda pasi, pashure ndikuzoita seanonamata nendimi achitaura zviri mubhaibheri mangwanani anhasi panosangana migwagwa Sam Nijoma naRobson Manyika, muHarare. Veruzhinji, vamwe vavo vange vachimhanyira kumabasa, vambomira vachiona firimu remahara iri. – Abel Ndooka