A-LEVEL — AKANHONGA VHUNZE NEMUROMO

31 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Zvidzidzo zviri mumutambo

Munyaradzi Gunduza
ZVIDZIDZO zvinobuda mumutambo uyu.

Mumwe anokwanisa kuti akadzidza zvidzidzo zvinotevera:

Ane marengenya haachariki moto — kubva kuna Cindy anoshungurudza vamwe vanhu asi kumagumo anozopinda mumaoko emapurisa nekuda kweunhu nemabasa ake. Rina manyanga hariputirwe mumushunje — Cindy anovanzira Ruvengo kuti aive nemwana kunze asi anozongomuudza — anotaura kuti aisada kuzvara achitya kuchembera ndokusaka aishandisa dhepo.

Hukama haugezwi nesipo — Ruvengo anoramba kudzinga amai vake, VaHaruna pamba pake nekuti vakatambura kumuchengeta kukura kwake kwese.

Mhandu yemukadzi mukadzi — Cindy anenge achishungurudza vamwe vanhukadzi sezvaanoita paanenge achirambidza VaHaruna kuti vagara mumasofa akanaka pamwe chete nekuronga zano rekuvaisira muchetura mukeke achida kuvauraya. Kudzidza kwakanaka — izvi zvinobuda kuna Cindy anodzidzira basa reugweta oshanda basa rakanaka chaizvo ave magisitiriti.

Hutsinye hwakaipa — zvinobuda kuna Cindy aipomera VaHaruna huroyi hwaainge asina kuona pamwe chete nekuvatutisa zvinhu zvavo kubva muimba yavairara achiti vaende kukoteji nekuti aida kupa imba iyoyo kushamwari dzake padzaiuya kuzomuona. Kumagumo tinoona achizowira mumatambudziko akaita sekusungwa nekurambwa nekuda kwehutsinye.

Kuteerera kwakanaka nguva dzese — kubva kuna Cindy anoramba kuteerera mashoko aanoudzwa neshamwari yake, Regina pamwe chete nababa vake, Zariro kuti agarisane navamwene vake zvakanaka. Kusateerera mashoko evaviri ava kunoguma kwamusungisa nemapurisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey