A-LEVEL — MUbairo: Kamukomba anoshora mudzimai waGeorge

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 12 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Munhu ari kurova gedhi ndiKamukombe uyo akahuguta zvake hwahwa achizhambatata achipaumba achiti musha waGeorge nevakadzi vose ndezvake. George anoshatirwa ndokufunga zvekubuda mumba kumbonomubvisa chiri kumeso asi mudzimai wake anokiya goni kwava kuviga kiyi dzacho.

Kamukombe anoenderera mberi nekushoropodza mukadzi waGeorge ndokunanga kumusuo uko anowana kii pasina. Anoti kumudzimai wake amupe kiyi ambobuda panze asi mudzimai wake anomudzivisa. George neshungu anoedza kuvhura fasitera asi mudzimai wake anomubata muchiuno achibatanidza mawoko ose.

George anoedza kuvhizura asi anowana pakasungwa neutare ndokuti kune mukadzi akaramba akabata aizomurova, mukadzi akati hazvina mhosva nekuti zvinongoperera mumba. Mudzimai anoramba akadzvinya George nesimba kusvikira anzwa kurwadza ndokuti rutu. Kamukombe anoenderera mberi nekupaumba achishoropodza mudzimai waGeorge ndokuzosimuka kubva apo izwi rava kushoshoma majongwe epiri orira.

Mudzimai anozoregedza kubata murume apo anoona kuti ainge ava kunyara ava kuzvitongesa nechemumoyo. Usiku hwacho arara, George anorotomoka zvose zvakakonzera kuti arove pagedhi musi waaibva kumusangano. Mukadzi anobva azivawo kuti George akange asingadi kuti vana vake vazive zvainetsa pakati pehama dzake.

Mangwana acho George anopinda munzira kudzokera kuLions Den kwaainge asiya motokari amuka achirangarira kurotomoka kwake sechiroto. Mudzimai apo anozoona motokari yasvika ichityairwa naMusiyiwa, hana inogadzikana.

ONGORORO
Kamukombe anobva atiratidza unhu nevavariro yake. Mutauro wake uzere nekunyomba kukuru kwazvo uko kunoratidzwa nekushandisa kwemavara “z” na “r” sokudai: “kufurira mukoma wangu richiti ngatibereke vana vaviri chete . . . Rakaroorerwei kana risingade vana? Rakaregererei . . .? (51) nekutizve, “Zigadzi rinodisa mari kudarika vana. Tindinya tindinya richifamba richizvikudza pano pamusha waCharatidzo. Kunyange zvaro rikanditarisa nekunze kweziso, hapana charinombondiita.” (52)

Sarudzo yemazwi tinoiona ichishandiswa kuitira kuwedzera kunyomba uku. Munyori asarudza izwi rokuti “hure” (51) iro rinotiratidza chinhanho chasvika Kamukombe mukusafarira kwake mudzimai waGeorge.

Tinosangana nekudimikira uko kunotaridza maitikiro ezvinhu. Tambosangana nedimikira rokuti “Kuisa gumi pazana” (47) ndinofunga tikanzwisisa kushandiswa kwaro iye zvino tasangana naro zvakare ngoma ichingova ndiyo ndiyo.

Repiri ratinosangana naro riri pakutiratidza kuti musi uya uyo mwana akauya netsamba iyo George akaramba overenga ainge akazvikanganisira zvikuru chaizvo izvo anodimikira achiti, “Ndakange ndaigochera pautsi” (50).

Retatu rinotaridza kuti mudzimai waGeorge ari kutambudzika zvikuru nemaitikiro ezvinhu uyewo hana yake haina kugadzikana apo zvinonzi “akasara akabatira mwoyo mumaoko” (52) kusvikira manheru apo akaona matokari ichisvika ichityairwa naMusiyiwa.

Maererano netsika nemagariro evanhu tinonzwa Kamukombe achinzi, “vangawanikwe pano nenguva idzodzo here?”

(51) apo George anobvunza mudzimai wake kuti Kamukombe ainge ari kupi apo mai vaMandizvidza vakasimuka vachiperekedzwa namai vaMusekiwa.

Enzaniso ndiyo imwe chete yatinosangana nayo apo kuri kutsanangura mamiriro ekunze zvichinzi kwaidziya “sechirimo chizere” (50).

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey