A-LEVEL — PAFUNGE: Josiah ava tsotsi

01 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 9 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Shamwari idzi dzinotanga kutamba njuga, kuitirana nharo nekuita zvimwe zvairambwa nemuridzi wedzimba. Izvi hazvifadzi murungu uyo anotaurira musevenzi wake kuti akanga asisadi vanhu vakawanda pagedhi pake. Josiah apo anosvitsa shoko iri kwavari, vanobva vatanga kupenga vachiti vangaende kurukisheni vasina dzimba ikoko. Vanototi Josiah ndiye akatoenda kumurungu akamuudza kuti vanhu vawandisa ipapo.

Vanomuyambira kuti asaende kudivi remurungu nekuti mangwana kana rapera achazoda kuzemberana nevanhu vaya vakambomuyambira. Asi nekuti Josiah anogona kutaura, anozoita kuti shamwari dzake dzibvumirane namashoko ake.

Anovati vaende zvavo asi vagosipota vachimushanyira nguva dzemasikati. Mumwe wavo anoti vanoenda zvavo asi hazviendi zvoga, vachatswinyawo chete.

Mushure menguva pfupi zvinhu zvemurungu zvakafanana nembatya dziri pamutariro, mapadza nezvimwe zvaigariswa panze, ndiro, komichi nezvimwe zvinotanga kunyangarika. Murungu apo anoshayiwa mari yake ndipo paanomhan’ara kumapurisa. Shamwari mbiri dzaJosiah dzinobatwa nemhosva asi dzinopinza Josiah mumhosva dzichiti ndiye ainge adzituma kunotora mari yacho igogovanwa.

Josiah anorigwa nemhosva murungu wake kwava kuzomuponesa akanzi agare mujeri kwegore rose, shamwari dzake dzikapihwa mwedzi mina, basa raJosiah ndobva rapera.

Hapano pakuchitsvaga basa ringawanikwe. Mujaya anotambura zvachose ombowana reumatanyera iro anotadza asi kuti basa wee rinoshaikwa sekushaikwa kwezino mukanwa mehuku.

Mumwe musi zuva roda kuvira panouya foromani kuzosarudza vanhu vashanu muzimudungwe raidangamirana ndokubva kwatorwa mumwe aive mberi kwaJosiah, mumwe aive pedyo naiye Josiah ndokubatwa ruwoko asi foromani paanozoona kuti vakanga vafananidza nomumwe wavaida, kwava kumuregedza.

Vamwe vakomana vaviri vakanga vakabatana vanosvikotorwa zvavo. Anozopedzesera kutorwa mumwe murume aive shure shure chaiko.
Vanhu vaona kuti hapasisina chavo, gurumwandira iri rinoti uyo oziva kwake, uyu oziva kwake vose vachipopota vakatsamwira foromani. Josiah zvekudzoka kumusha haachadi, iye neshamwari dzake kwava kufunga zvekurarama nekutora zvinhu zvevanhu varidzi vasingazivi.

Chikwati chevarauri ichi chaishandisa mutowo wacho chaiita sekunge chinonzwira nyakubirwa tsitsi asi chichitomubira zvokusecha homwe dzake kana vawana aine pondo gumi, vomudzorera mari yokuterera imba nakamari kokudya. Chaibva chayambira kuti agorega kufamba nguva dzamanheru. Vaitorova anenge arwisa kana kuedza kutiza. Vanhu vazhinji vemuMutapa vaivaziva sevanhu vesvondo.

Kuba kwavo kwaisanganisira kubira mumamwe marukisheni eGweru, mudhorobha chaimo, kubvutira vakadzi vevarungu tumabheki, kubuda muGweru chichindoshanda kune imwe nzvimbo, kushanda panzvimbo dzinomanikidzana vanhu somuchitima nguva inovhurwa zvikoro, panokwirwa mabhazi nguva yeKisimusi kana pamitambo mikuru yenhabvu.

Mbavha yainzi Sarah maitiro ayo aishandisa kunaka kwekuumbwa kwake oti aenda nevakomana kudzimba kwavo paya pavanenge vabatwa nehope osecha homwe kuvhura mabhokisi namawadhiropi otora mari nezvese zvaaida kwava kutiza. Pamwe aisiya akiya zvake imba nechekunze kuti nyakubirwa aone nhamo mbiri.

Paivhurwa chikoro aipfeka hembe dzainge dzechikoro ndokugara paimba yekumirira mabhazi nezvitima akasuruvara onyepera vana vechikoro chikuru chaive pedyo neGweru kuti ndiko kwaaibva achiti ainge abirwa mari yose yechikoro.

Mukomana anenge adiwa aibva amupa mari anyeperwa zita nekero yenzvimbo inozivikanwa.
Vakomana vaya vaenda, iye ndipo aisara achidzoka kurukisheni.

Paakambogara muHarare ndipo paakaikochomora mari achinyepera vakomana vepaUniversity.
Kana aona kuti ava kuda kuzivikanwa kuti aifambidzana nemachinda achinyepedzera kunge ari kutanga kusvika panzvimbo iyi mazuva ose, ndipo paaidzokera kwake kuGweru.

Chikwata chaJosiah chinomboita mari asi rimwe zuva zvinhu zvinofamba nepamwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey